Madzimai oita zvinorova

31 Mar, 2022 - 09:03 0 Views
Madzimai oita zvinorova Mai Depinah Nkomo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI ari kuita mabasa makukutu munyaya dzekurima uko kunove hwaro hwebudiriro yeupfumi hwenyika.

Svondo rino Kwayedza inoita hurukuro naMai Depinah Nkomo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZIWFT) vachipa nhoroondo yekwavakabva kusvika nhasi munyaya dzekurima pamwe nekutsigira madzimai ekumaruwa mubasa iri.

“Ini ndakabarirwa kuMhondoro-Ngezi ndikaita dzidzo yangu yepuraimari kuMhondoro kwekare. Semwana akakurira muruzevha, ndaingofarira kurima kubvira ndichiri mudiki.

“Ndakaroorwa naLuke John Nkomo aive muuto zvinova zvakaita kuti ndizoenda kunogara kuHarare.

Ndakatanga kuvandudza dzidzo yangu zvikaita kuti ndiwaniswe basa kubazi rinoona nezvemari mumwedzi waKukadzi 1992,” vanodaro.

Vanoti vakakwanisa kushan[1]dira bazi iri kwemakore 25 vakakwiridzirwa zvigaro zvavo nekuda kwekushanda nesimba.

“Zvisinei, ndakazorwara zvekuti ndakapotsa ndaoma mitezo (stroke) izvo zvakaita kuti ndikurumidze kusiya basa mugore ra2005. Ndakazoendeswa kunze kwenyika kunorapiswa ndikadzoka ndava nani.

“Handina kuda kuzombodzokera kubasa ndakabva ndabatsirwa nevamwe vandaishanda navo kuti ndiwane purazi randiri kurima nhasi uno kuno kuChegutu mushure mekuona kugona kushanda kwangu ndiri murimi weA1. Kubvira ipapo, handina kana kuzombodzokera kumashure pakurima,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti shungu dzavo dzekurima dzakatanga mumwedzi waZvita mugore ra2011 asi sangano ravo rakazoparurwa musi wa12 Kubvumbi 2012 vachishanda nemadzimai akawanda zvikuru.

“Kurima chinhu chakanaka zvisinei nekuti dambudziko rekushaikwa uye kudhura kwezvekushandisa ndiro guru. Kuburikidza nekurima, tinowana chikafu chinovaka muviri, kutengesa tichiwana mari uye ibasa rinovaraidza munhu hauzosweri wakagara pamba uchifunga zvakanyanya. Ndakaumba sangano reZIWFT mushure mekuona kuti madzimai ndiwo mazhinji ari muminda kana zvichienzaniswa nevanhurume saka ndakaona zvakakosha kuti vawaniswe rutsigiro maringe nezvekushandisa uye ruzivo rwezvekurima,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti varimi vechidzimai vazhinji vari kukundikana kuwana zvekushandisa zvakadai semichina yemadiridziro nematarakita.

“Tinoda kurima kunoendeka saka kana tichinge tiine madiridziro zvinobatsira kuti tirime kwegore rose. Tinoda kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, zvikuru sei kana pari panyaya dzekugoverwa kweminda nekuwaniswa zvekushandisa,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti vane vanasikana vatatu nevazukuru vaviri avo vari kutevera zvekare tsoka dzavo pakurima.

“Vanasikana vangu nevazukuru vanofarira basa rangu uye vanonditsigira zvakanyanya. Ndakatoona zvakakosha kuti ndigare kumunda nekuti zvine njodzi kuva murimi uya anongotumira vashandi mabasa ekurima panhare usiri kuona zviri kuitika mumunda chaimo.

“Ndiri kutodemba nguva yakareba yandakapedza mazuva ayo ndaishanda ndichigara kuimba yebasa pachinzvimbo chekuti ndive kumunda kubvira muna1982 nekuti ndingadai ndakaita zvinorova.

“Murimi anogara akabata mari nguva nenguva kwete kumirira kupera kwemwedzi uye haatengi zvekudya zvakadai sembambaira, mapfunde, mhunga, chibage, nzungu, manhanga, manwiwa nezvimwe.

“Vazhinji vari mumabasa mari yavo inoperera kwatiri nekuti munhu wese anoda kudya zuva nezuva,” vanodaro.

Votaura nezvemwedzi wekupemberera budiriro yevanhukadzi (Kurume), Mai Nkomo vanoti zvakakosha kuti vatsigirwe mumabhindauko avanoita.

“Madzimai vanhu vane hushingi, kana vachinge varangana zvinhu zvizhinji zvinobudirira uye vashoma vanopedzera mari kudoro kana kumafaro. Madzimai ndiwo anoona kuti mhuri yadya, kupepa varwere, kuona kuti baba vageza, vadya nekupfeka zvakanaka uye vanoshanda kwemaawa mazhinji pasina zororo sekuti paya pavanobva kubasa vanouyazve vobata mabasa epamba baba vegere zvavo,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti madzimai akawanda ava kushanda mabasa makuru epamusoro ayo aimbonzi ndeevarume kare inova shanduko yavanofarira kubva nyika ino ichiwana kuzvitonga zvizere makore 46 adarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>