A-LEVEL — MASIMBA: Baba vaChenai vava kurwara. . . mumusoro mavo muzere mvura

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
“CHIROJA” naKeresia Chateuka (17-19)
(Enderero mberi):
Musi uyo murume wemudzimai uyu anouya akabipitira kutakura chivhitivhiti, mukadzi anofara chaizvo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Ndakange ndichabata denga nekufara” (18).  Musi uyo amai vemba vanouya kumudzimai uyu kwava kumuudza kuti ape vatezvara vavo pokurara mavairoja, mudzimai uyu akazvirambisisa izvo zvinonzi, “Ini wacho ndatsikawo madziro” (19).

Azvirambisisa uye avaudza kuti havafaniri kumuudza zvokuita, amai vemba vakazoziva zvokuita navatezvara vavo izvo zvinonzi, “Vakazongoita chakapedza mbudzi mumba mavo imomo” (19).
“CHENA MWOYO” naChakambodei Chirandu (21-25)

Murume waamai Chenai anorwara zvekurwara zviya. Kudoti naye kuchipatara hapana zvazvinobura kudzamara vazoudzwa nachiremba kuti mumusoro make mazara mvura iyo inoda kubviswa neoparesheni, akarega kunzai anozopedzisira otadza kuchengetedza kudya mudumbu achingorutsa, ozotadza kufamba, kumira kana kuona.

Kudoti mai Chenai vaudze vabereki vemurume, vanovawana vachivava. Pfungwa yavo yaive yekumbofamba muchivanhu kuti vaone kuti chii.
Zuva reoparesheni rinosvika rikapfuura izvo zvaireva kuti vaitozomira mwedzi inopfuura mitanhatu vasati vaona chiremba sezvo kwaive nachiremba mumwe chete weoparesheni yerudzi urwu.

Shoko rinotumidzirwazve kumusha kunozivisa vabereki avo vanotozouya murwere atove pamubhedha, chiremba achiti murwere aizosaina mapepa ekuitwa oparesheni. Panosvika vabereki vemurume, amai Chenai vanobuda panze zvokuti zvavanosara vachitaura hapana zvavanonzwa. Panozodzoka mai Chenai pamubhedha, murume akangotaura kuti zveoparesheni ainge asisazvidi.

Panopera mazuva matatu mukadzi ndokutambira runhare rwaibva Harare rwaiti auye nekukurumidza. Vachisvikako, vanowana vabereki vemurume vakabata mapepa eopareshini akatosainwa. Vatezvara vavo vanomutaurira kuti vakaona kushingaira kwaainge achiita kurapisa mwana wavo kuti kunoreva kuti aida murume sokumuda kwavaiitawo uyewo vakazotsanangurirwa nachiremba vakaona kushata kweurwere hwemwana wavo.

Oparesheni inozoitwa, baba vaChenai vapihwa mashoko okusimbisa, munhu akaendako hana yake yakatsiga.

ONGORORO
Kuchena mwoyo kwacho kunoonekwa kuchibuda nepaviri. Kunoti kuchena mwoyo kwakaita vabereki vababa vaChenai kwekubvuma kuuya kuHarare kuzoona mwana wavo vambotanga varamba. Vanozobvuma kuti mwana wavo aitwe oparesheni yemusoro vapihwa tsananguro yavakanyatsa kunzwisisa nachiremba.

Kuchena mwoyo kwepiri kunoonekwa muna iye murwere. Kubvuma kwakaita vabereki vake kuti aitwe oparesheni, kukurudzirwa kwaaiitwa nemunhu wese kuti asatye uyewo nekuti azvisimbire nekuti aizokunda pamwepo nekuti vanhu vainge vabatana minamato ichiteurwa pachokwadi. Zvese izvi zvinobatsira kuchenesa mwoyo wake zvokuti murwere anozodzoka kumba asimba.

Munyori anopedzisa nyaya iyi nekutsanangura achiti urwere hukapinda mumhuri vanhu vanoita sevasina kukwana, “Mukangodaro chete munoodza mwoyo womurwere”.

Tinoona maonero anoitwa vanhukadzi, kunyanya vaya vakaroorwa. Vanomboonekwa sekunge pasina chavanobatsira nacho izvi zvinodimikirwa nababa vemurwere apo vanoti, “Iye mwana ane mukaka pamhuno” (24) ndiye angatoita zvekuudza vabereki vemurwere zvokuita? Kumwe kudimikira tinokuona apo murume nemukadzi vanotarisana, vashaya chokutaura vanzwa mazwi achiremba izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “ndokuoma mate” (23).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>