A-LEVEL —MASIMBA: Vanodzidziswa tsika, utsanana

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
“PEPUKA” naBarbara Makhalisa (147-154)
Nyaya yacho (Enderero mberi):
Kwakatangwa nemitambo yevadiki vasati vave kudzidza zvemabhuku, pakaitwa mutambo wekuverenga wainzi “Tsoko Shanu” vabereki vakakatyamadzwa nezvavakaona. KaBhayana kakazoyemurwa katamba rwiyo. Vana vanozoita mutambo unoratidza mhuri yakadzidza, yakagara zvakanaka, yaibatsira imwe mhuri yaitambura, ine musha usina utsanana nevanhu vacho vasina utano neupenyu hwakanaka.

Vadiki ava vapedza, kunozouya vanodzidza chikoro chaicho vachiteverana nehukuru hwavo. Mukuru wechikoro anozochingamidza muenzi aive munyarikani aibva kudhorobha uyo akazotaura pamusoro pekukosha kwedzidzo nezveutsanana. Anorumbidza zvakare mabasa avana ava.

Vabereki neavo vaishoropodza vanogutsurira misoro nekugutsikana. Mai Sikhosana vanonzwa VaNgiyizana vachikurudzira Ngabani kuti arege kukundwa nekamwana kekwaSiwela, Ngobani ndokubvumirana nazvo achisekerera. Amai vake vakazvitsigirawo vachiti haungambokundwe naanaMane vekwaBhayana. Amai ava vari kupemberera vachiridza mhururu.

ONGORORO:

Idambudziko guru rinosangana nemadzimai akawanda vane varume vasingaoni kukosha kwekuendesa vana kuchikoro vachiti kupedza nguva sezvo vana vacho vachiswera vachitamba. Nechekunowo tiri kuratidzwa tsika inoitwa nevarume yekuti kunyange kudai madzimai atamburira kutsvaga kamari kaanenge asungirira, ivo vanosvika vachikatora kose kwava kunoparadza mune zvinhu zvisina nebasa rose zvakafanana nekunwa kachasu.

Musoro wekanyaya aka unonyatsowirirana nezviri kuitika. Tinotanga nekuomesa musoro kunoita VaNgiyizana vasingadi kugamuchira pfungwa yekuti vana vadiki vaende kuchikoro zvimwe zvacho zvavanotaura zvinoti zvikati kusekesa zvigoti kusuwisa maererano nekupofomara mupfungwa kwakadei.

Murume uyu anoona tsika dzakanaka dzeutano dzinodzidziswa vana sezvinhu zvisina nematuro ose. Mataurirwo azvo ndiwo anoita kuti zviti setsei nekusuwisa panguva imwe chete. Tinotanga kuvanzwa vachiti, “Hakasiko Bhayana katinonzwa zvichinzi kanotuka ambuya vako kachiti vanokonzeresa zvirwere kana vachisvipira mate pasi” (148).

Tinovanzwa zvakare vachiti, “Ndinenge ndakanzwa zvekare kuti kakapotsa katsva kachiedza kuvhaidza mvura kachiramba kunwa yakainge kapihwa namai vako kachiti ine makonye?” (148)

Kuzotiwo kana kari kamwana kaya kanonzi Mane, kanonzi kaigarotevera sekuru vako vachienda kusango kachiti vachere gomba vafusire (148). Tsika dzeutsanana dzakanaka ndidzo dzaidzidziswa vana dzekuti:

1. Kungosvipira mate pose pose kunoparadzira zvirwere,

2. Kuuraya hutachiwana huri mumvura yekunwa nekuivhaidza,

3. Kungosiya tsvina yemuviri pese pese zvinoita kuti nhunzi dziwane pokutandarira zvichikonzera kuparadzirwa kwezvirwere.

Imwewo tsika yeutsana inobuda mumazwi anoti, “he-e ini mukaka wakakora handidyi nokuti wakadonherwa nenhunzi” (149). Kupepuka kuri kudiwa kusvinura pfungwa kuitira kuti vanhu vaone kuti kuendesa vana kuchikoro kunopundutsa nyika.

Muonzi munyarikani ainge akakokwa pachikoro apa ndiro dingindira raanonyatsotsonda pamusangano uyu zvekuti vabereki vanoonekwa vava kugutsurira misoro nekugutsikana. VaNgiyizana vaimboomesa musoro vazopepuka iye zvino.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links