A-LEVEL — MUNZWA MUNDOVE: Makate otsvaga chakadya George

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho: Enderero mberi) AMAI vaTendai vanoti ngavarege zvavo kuramba votaura zvakawanda, vachataura naMunjodzi kuti asare achivapa muriwo.

Mai vaMusekiwa vanobva vati havafungi kuti angambovanzwa nokuti ave kudada nechitamba chekutyairisa motokari chaakatoreswa nababa vaTendai.

Mudzimai waKamukombe achinzwa kuti vaizosara vachipiwa muriwo anofara chaizvo ndokurondedzera nyaya yenzara mumhuri yavo vobva vati kubvira musi wabva baba vaTendai pamusha apa musango munonzi naPeter hamusi kumbomuka kana dzvinyu zvaro.

Musi uyu vainge vamutsa tsvana yemhebwe asi imbwa yaGarikai haina kuidzinganisa. Mudzimai waGeorge anobva aona kuti madzimai aya vakange vane zvakawanda zvavaida kutaura ndobva avadimura-dimura achivapa chivimbo chekuzopiwa muriwo. Pakuperekedzwa kwavanoitwa, madzimai aya anenge otaura imwe nhau yekuti Munjodzi aigona basa nokuti vanhu vavaiona kubindu zuva roga-roga vainge vakawandisa.

Mai vaTendai vanonetseka mupfungwa nokufunga kuti ivo ana mai vaMusekiwa vakaita kuti chirwere cheBP chitange ndivo vakange vochema.

Vanozofunga zano rokusunga jira mumusoro kuitira kuti vazonyepera vana vabvunzwa zvohurwere hwavo kuti vairwara nezino.

Munjodzi apo anouya manheru, anopa mari nezvinyorwa zvese kuna amai vaTendai avo vanoona kuti zvakange zvichifambirana mari yacho yakawanda kudarika yavaifungira.

Pakufungisisa nezvekunyepa uku vainge vaita kuvana vavo, vanozozvinyaradza nekuridza muridzo. Mangwana acho mangwanani, Kamukombe anosvika mumba maamai vaTendai ndokupinda kumeso kwake kuchiratidza kutambudzika.

Anoti zvakasara zvomunetsa mangwanani echipiri kunzwa naamai vaMandizvidza kuti mukoma vainge vaenda kuchipatara.

Mai vaTendai ndokuti vakasvika kumba kwavo asi ivo vakatadza kumuka akabvisa bhutsu dzavo nekusungaidza rimwe bvudzi remumusoro make. Amai vaTendai vanomutsuura vachiti anodirei kuita manwiro edoro akadaro, vakamuzunguza iye kana kumbomuka zvake munhu ndiye tuzu nazvo.

Anozoti zvisinei kurwara kwamukoma akunzwa, pamusha apa pakanaka chaizvo dai kusiri kusanzwisisana kwaMusiyiwa vangadai vachitobatsirana naye basa.

Mai vaTendai vanozomutaurira zvinomufadza ndokuti dai akangomutsiridza gadheni rake riya, anobva apiwa humaneja naGeorge nekuti anenge ave neruzivo kupinda Munjodzi.

Vachasara vachitora sitoko Munjodzi akangowanikwa ashotesa kana dhora rimwe chete, anobva achekera. Izvi zvinofadza Kamukombe uyo anosimuka ndokuoneka.

Pakarepo Makate anobva asvika huso hwake huchiratidza kurukutika ndokutaura nezvourwere hwaGeorge, ndokubvunza kuti chirwere rudzii chamubata, akadyei paakazotanga kurwara?

Mudzimai anomuyeuchidza nezvekurovera pagedhi nemotokari kwakaita George iye ndokutadza kuuya kuzovaona kana kubvunza sezvaaita zuva iri.

Makate anotadza kupa mhinduro yakati tsvikiti, mudzimai ndokuenderera mberi achiti musi wavaenda kuchipatara haana kusvika kumba kwake kunovazivisa here iye ndokuti vakauya zvavo asi aifunga kuti kwaingove kurwarawo zvako.

Zvino kana akadai asina kumuka achibvunza kuti hama yainge yadya chii, mudzimai waGeorge haagoni kuvapindura zvingavagutsa.

Makate anotaura achiti haasi kuita zvejee, amai vaTendai vanofanira kumuudza chakadya munin’ina wake.

Aona achiramba achibvunzisisa, mudzimai waGeorge anomubvunza kuti akazvinzwa here gore iroro muchirimo kuti vakasangana netsaona yekuparadzwa kwezvinhu nemuriwo kubindu.

Makate anokakamira achipindura amai vaTendai ndokumubvunza kuti kana akazvinzwa, akaregerei kuuya kuzobvunza sezvaaita musi uyu.

Makate anoti tuzu nazvo kwava kuzogona kukakamira achibvunza kuti kwakaparadzwa nani.

Mudzimai waGeorge anoti havazivi munhu wacho, dai Makate akasvikako pamazuva iwayo angadai akavabatsirawo kutsvaka munhu ane shangu yavakaona sezvo semugari wemo Magunje, vangadai vakaziva chete munhu ane tsoka yavakaona.

Makate aifanira kunge akauya, anoitirei kudai, murume mukuru ndokupera simba, ropa ndokugwamba mate akapera mukanwa mukati menguva pfupi.

Mai vaTendai vanomubvunza kana achine mumwe mubvunzo ndokugona kudzungudza musoro zvaireva kuti kwete, kwava kutadza kubuda mumba umu kwava kuzonunurwa nemwana wake Peter ainge auya neshoko rekuti kumba kwaiva nemunhu aida kutaura naye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>