A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anoenda naJoe

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 15 (Ongororo: Enderero mberi)
Mukaona munhu kana achinge ava mukuru, akambovewo pwere achiita zvinhu zvechidiki, nekudaro hapana chinhu chinoitwa nepwere chaangataurirwa. Mumwe munhu anogona kunge akamboita zvinhu zvakaipa, ndokuzoona kuti zvine ngozi. Zvino anozoona zvakakodzera kuti ataurire vaya vaanoona vachiita zvinhu izvozvo kuri kuvayambira. Ndokusaka tichizoona mumwe mudzimai achizodzidzisa vana Rudo achiti, “Takabva neko, kumhunga hakuna ipwa” (70).

Tinobva taona kuti munyori anorevei kana achiti, “Tuvadzidzisi twakaonda twechirume notwechikadzi airamba kurangwa natwo.” Mukuru wavo akati ataure naye ainyatsonzi, “Iwe, ukaputeni hwako ndohwokudya mazinyama wakazvinyararira, kwete kuvambana naRudo” (69). Munyori haadi zvake kunyatsa kudoma kuti vanhu ava ndivanani asi muverengi anogona kunyatsa kureva vaya vadzidzisi vasingapihwi muhoro kana kuti mapurifekiti.

Enzaniso inoshandiswa pakurayira vana vava kupinda munyika ava kuti vazvibate sevanhu vakabva kune vanhu varege kuita “semombe dzabva kusina uswa” (71). Kudimikira kwacho kunotiratidza zvaaiitwa nevamwe vana vechikoro maererano nekusazvibata zvakanaka kwaiita Rudo.

Zvinonzi nyaya dzokureva Rudo “ndidzo dzaibatirwa nehope pamiromo yevakomana navasikana vapachikoro apa” (68).

Kudimikira kwatambosangana nako pamapeji anoti 60, 66 ne72 kuri kusimbaradza kuti vana vechisikana vangwarire kunyengedzwa nevanhu vanoita kunge vanhu kwavo.

PaPeji 60 tinonzwa kuti “ndiri bere rakafuka nguo yehwai”, paPeji 66 tonzwa zvichinzi, “. . . izere mapere ane matehwe ehwai” paPeji 72 tozonzwazve zvizhinji, “kuna mapere anofamba akapfeka matehwe emakwai.”

CHITSAUKO 16 (Nyaya yacho)

Musi unosimuka bhazi kubva pachikoro kunonaya mvura yaNoah wemuBhaibheri chaiyo. Panodoka zuva mvura inomboti gasei zvishoma ndokubva pasvika vamwe varume.

Vasikana vakaita saJojina, Tsitsi Takawira, Stembile, Susan naRudo vanobvuma kuenda nevarume ava.

Rudo ndiye anotangira vamwe vose kuenda naJoe wake avo vanozopinda murukisheni rwaigara Joe hwatove usiku. Hapano pakufamba paya, kuzoti madhaka aya haikona kutaura!

Chinoshamisa Rudo ndechekuti Joe anoziva nzira dzomurima idzi, sokuziva kwaaita chanza chake. Pavanozotsaukira pamba paJoe, Rudo anoona sevaitotsaukira murima rakanyanya kudzama.

Pavanopinda mumba Rudo anofunga kuti achaona zvigaro, matafura, wairosi, mawadhiropu, mibhedha, mudzimba dzinokiyiwa nechemukati, maBhaibheri, mabhandi ekusvondo nezvimwe zvakadaro. Panovaima mheni anoona kamubhedha, kapoto nezvimwe zvimapepa zvainge zvakanamirwa kumadziro ainge akati tsva-a kusviba neutsi.

Rudo anobvunza kuti asi murukisheni mune makomo kani ari mukati merima onzi naJoe abvunzireiko iye ndokuti pamwe atadza kuona, aona sevari mubako.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>