AFC Land Bank yosimudzira varimi vekuMushandike Irrigation Scheme

24 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
AFC Land Bank yosimudzira varimi vekuMushandike Irrigation Scheme Varimi vechidzimai vekuMushandike Irrigation Scheme vachipemberera nemufaro apo muchina wekukohwa wekuAFC Land Bank uri kuvakohwera gorosi ravo remuchando nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

MUSHANDIKE Irrigation Scheme, iri kuMasvingo, ndiyo imwe yeminda yemadiridziro yava nenguva yakareba uye inonyanya kuzivikanwa nemabasa ekurima muZimbabwe.

Nzvimbo iyi yose ine minda yemadiridziro yakakura kusvika mahekita 847, iyo inobata mabhuku gumi nerimwe (11) uye varimi vacho vose vachidyara zvirimwa zvakatsaukana apo vanoshandisa mvura yemadiridziro.

Nechinangwa chekuda kuvasimudzira, Banga reAFC Land & Development Bank rakasarudza zvikwata zvevarimi ava gumi nezviviri (12) izvo zvine varimi 179, vazhinji vavo vari vanhukadzi, vechidiki pamwe chete nevakaremara avo riri kushanda navo kuti vaite mabasa anobudirira uye achipa pundutso.

Chirongwa ichi chinofambirana nedonzvo reHurumende rekuda kuti nyika ive nemaguta kuburikidza nechikafu chinokwana.

Muono weVision 2030 wakanangana nekuti vagari venyika yeZimbabwe vange vasimukira vachirarama upenyu hwakarurama panozosvika gore iri uye mabasa ekurima ndiwo anotarisirwa kutora chikamu chikuru chebudiriro iyi.

Naizvozvo mumwaka wekurima wa2021/22 AFC Land Bank yakatanga kutsigira zvikwata gumi nezviviri zvevarimi vepaMushandike Irrigation Schem izvi nemari nezvose zvinodiwa, chinangwa chiri chekuunza budiriro mumabasa avo.

Chirongwa ichi chakatsigira kurimwa kwebhinzi muminda yakakura mahekita 37.85 ndokubatsirazve kuti goho racho ritengwe nemakambani anosanganisira PHI.

Mumwaka wechando wegore ra2022, AFC Land Bank yakabatsira zvakare zvikwata gumi nezviviri zvevarimi izvi nezvinodiwa mumabasa avo apo vakarima mahekita 81 egorosi.

Kuburikidza nekushanda pamwe neimwe yekambani dzavo yeAFC Commercial Bank, bhanga reAFC Land Bank rabatsira varimi ava kuti vave neruzivo rwemafambisurwo emari, ndokuvavhurira mikana yekuti vose vakwanise kuchengetera mari dzavo kubanga vari muzvikwata kana kuti mumwe nemumwe.

Land Bank yabatsira zvakare nekudzidzisa varimi ava nyaya dzekuchengetedzwa kwezvine chekuita nemafambisirwo emabasa, kutsvagiwa kwemisika nekuita nhaurirano nevatengi, kuitira kuti vashande semabhizimusi.

Varimi ava vasati vatanga kushanda neLand Bank, mabasa avo ainge azere nemakoronyera ayo aitenga goho ravo, vachizonoritengesa ndivo kumisika nemitengo yepamusoro.

Ndokusaka bhanga iri rakazobatsira nekuvatsvagira misika nechinangwa chekuti varimi ava vakwanise kuzvitengesera voga zvichiita kuti vawane mitengo yakanaka uye zvichiwedzerawo mari dzavo.

AFC Land Bank yakavabatsira zvakare nekuvawanisa zvinodiwa mumabasa avo zvinosanganisira mbeu nemafetireza nenguva, chinangwa chiri chekuti vakwanise kubata mwaka zvichizovawanisawo goho repamusoro pahekita yoga-yoga yavanodyara.

Izvi zvakaitawo kuti zvirimwa zvevarimi ava, pamwe chete negoho racho, zviyevedze vanoda kutenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>