Agrifoods yatekeshera nenyika

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Agrifoods yatekeshera nenyika

Kwayedza

KAMBANI ine mukurumbira wekuwanisa kudya kwezvipfuyo yeAgrifoods yatambarara serunyemba sezvo yave kuwanikwa kumativi mana ose enyika nedonzvo rekuti varimi vasatambure kuwana zvekudya zvezvipfuyo zvavo.

VaLuke Mutemeri (37) vanova mukuru kuchikamu chezvekutengesa mukambani iyi vanoti vanozikanzwa zvikuru nekugadzira kudya kwezvipfuyo kwemhando yepamusoro.

“Donzvo redu sekambani yeAgrifoods kuwanisa varimi kudya kwezvipfuyo uye zvose zvinogadzirwa nenzira kwayo kwete yemudimbidzirwa basa iri richiitirwa munzvimbo dzakakodzera. Hapana zviya zvekuzonzi murimi atengeserwa kudya kwezvipfuyo kwemanyepo nekuti kunzwa zita redu watowana kudya kwezvipfuyo kwemhando yepamusoro,” vakadaro VaMutemeri.

Kambani iyi ine mapazi makumi maviri nerimwe chete kumaguta makuru ose nemadhorobha uyewo nekune dzimwe nzvimbo dzakasiyana.

“Mukati memapazi 21 atiinawo aya, tine maviri anogadzira kudya uku anoti muguta reHarare nekuBulawayo izvo zvinoitwa zvine hunyanzvi,” vakadaro.

Agrifoods inogadzira kudya kwezvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi, hwai, nguruve, tsuro, madhongi, mabhizha, manyurusi, huku, madhakisi, imbwa, katsi, matoki, hanga hangaiwa, mbira, hove, makarwe nemhou.

Dzimwe nzvimbo dzinowanika mapazi ekambani iyi dzinoti Kwekwe, Gweru, Kadoma, Mutare, Chipinge, Chinhoyi neBindura.

“Mitengo yedu iri pasi zvikuru uye tine ukama hwakanaka evarimi avo tinotengera zvirimwa zvakaita sechibage, soya bhinzi nezvimwewo izvo tinogadzirisa kudya kwezvipfuyo uku,” vakadaro VaMutemeri. Agrifoods inogadzira kudya kwezvipfuyo kunorema kusvika matani 20 000 pamwedzi. VaMutemeri vanoti vane chirongwa zvakare chekuwanisa varimi kudya kwezvipfuyo uku nechikwereti kune vanovimbika.

VaOwen Takadiyi (34) vanova technical advisor mukambani iyi vanotiwo vane chikamu chinoona nezvezvirwere zvezvipfuyo chinonzi Vetco Animal Health icho chinowanisa varimi ruzivo rwezvirwere zvakasiyana.

“Kuchikamu ichi tine machiremba ezvemhuka anobatsira varimi vedu, zvikuru kana zvipfuyo zvavo zvarwara. Tine zvidzidzo zvatinoitisa varimi vedu pachena apo tinotenderera nyika yose tichipa zvitupa kune avo vanenge vapedza zvidzidzo izvi,” vakadaro VaTakadiyi.

Agrifoods yakavambwa mugore ra1987 uye inobatsira varimi vanenge vatenga zvekudya zvezvipfuyo zvavo nemotokari dzekutakurisa kana vasina zvifambiso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>