‘Agwanda ruzi’ mudare

16 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
‘Agwanda ruzi’ mudare Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare “akagwanda ruzi” apo akaenda kudare achida kuti $100 000 yemendenenzi yaari kubhadhara pamwedzi yekuchengeta vana vake vana (4) ideredzwe kusvika pa$25 000 apo chikumbiro chake chakaraswa mushure mekuonekwa kuti haasi kubvisa mari iyi.

Chrispen Nyamakosi akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti mari yaari kupa aimbove mudzimai wake, Agnes Chimwava, idzikiswe achiti yakawandisa.

Mushure mekubvunzurudzwa nemutongi Muzvare Sharon Mashavira, zvakabuda pachena kuti kunyangwe zvazvo Nyamakosi aida kuderedzerwa mari iyi, kubva munaChikunguru 2022 kusvika pari zvino hapana mari yaanga achipa kuna Chimwava.

“Uri kuona zvichiita here kuti unoda kudzikisirwa mari iwe usina kana sendi rawakabvisa kubvira gore rapera? Iyo $25 000 yauri kutaura ukapinda nayo muchitoro unobuda nechii chingadyiwa nevana? Unoziva here kuti uri kutofanira kupinda mujeri nhasi chaiye?” vanodaro Muzvare Mashavira.

Nyamakosi akatadza kupindura mibvunzo iyi nekuti akazvionawo kuti mari yacho haina chaichatenga.

“Imimi amai, sei musiri kumhan’arira murume uyu kuti asungwe? Munoreva here kuti zvinhu zvakakunakirai nevana venyu vana? Muchibva muno endai munotora tsamba yekubhanga inoratidza mafambiro emari (bank statement) mouya nayo kwaclerk of court, baba ava vanofanira kusungwa,” vanodaro Muzvare Mashavira.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kunyangwe mukazofunga kudzokerana, mari iyi inofanira kuiswa mubhanga raamai kusvika vana vadarika makore gumi nemasere okuberekwa. Ikasaiswa baba vanotovharirwa.”

Chimwava akati mapurisa haasi kumubatsira zvakanaka nokuti pose paanoenda kunomhan’ara Nyamakosi, anoisa mari shoma-shoma muEcoCash kana kupiwa mumaoko kuitira kuti asasungwe.

Muzvare Mashavira vakayambira Nyamakosi kuti asiyane nekatsika kekusaisa mari yemendenenzi kubhanga raChimwava, vachiti akasadaro anosungwa.

Vakarasa zvakare chikumbiro chaNyamakosi chekuti mari yaari kubhadharwa ideredzwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>