Akachata nevarume 2

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Akachata nevarume 2

Kwayedza

Munyaradzi Musiiwa

MUDZIMAI wekuZvishavane akasungwa nemapurisa achipomerwa kuchata nevarume vaviri achiti murume wake wekutanga haazi kumugutsa kwemakore 12 adarika.

Nyaya iyi yakabuda pachena apo Moreblessing Maridza (41) anogara kuPlatinum Park, muZvishavane, akamiswa pamberi pemutongi wedare reko, Archie Wochiunga, akatarisana nemhosva yekuroorwa nevarume vaviri ndokuchata navo vose.

Akabatwa nemhosva mushure mekunge abvuma nyaya iyi ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Zvisinei, mwedzi mitatu yechirango ichi yakaiswa padivi paine chitsidzo chekuti abhadhare faindi ye$5 000 uye nekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Maridza anoudza dare kuti murume wake wekutanga, James Chivandire, akaita dambudziko rekurwara nepfungwa zvikaita kuti asakwanise kuita basa rake sababa mumba izvo zvakamumanikidza kuroorwa nemumwe murume.

Dare rakaudzwa kuti Maridza naChivandire vakachata muchato wemhando yeMarriages Act Chapter 5.11 uyo unorambidza munhu ari muwanano kudanana nemumwe munhu.

Chivandire anonzi akatanga kurwara nepfungwa mugore ra2000 zvikaita kuti asakwanise kuita basa rake sababa mumba.

Muna2012, Maridza akaroorwa nemurume wechipiri, David Mhuru, ndokubva achata naye mhando imwechete yemuchato waakachata naChivandire ndokutanga kugara vose.

Nyaya iyi yakazobuda pachena apo mumwe mushandi wekumahofisi aRegistrar-General akaona kuti Maridza aive nemagwaro maviri emuchato.

Maridza anoti iye naChivandire vakagara semurume nemukadzi muna2000 asati atanga kurwara nepfungwa.

Dare rakawana umboo hwekuti Maridza akaroorwa uye ndokuchata naMhuru achinyatsoziva kuti akaroorwa zviri pamutemo naChivandire pasi pemuchato weMarriages Act Chapter 5.11.

Muchuchisi Tinashe Muponde akaudza dare kuti muna Gunyana, uye pazuva risina kuzivikanwa, VaDelphino Chikwanda vanoshanda muhofisi yaRegistrar-General kuZvishavane, vaiongorora magwaro ebasa apo vakaona kuti Maridza aive nemichato miviri, yose iri pasi peMarriages Act Chapter 5.11.

VaChikwanda vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Maridza asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>