Akafa adutira kangopisa

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Akafa adutira kangopisa Insp Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuChipuriro, kuGuruve, anonzi akafa mushure mekudutira doro rakawandisa re“kangopisa”.

Oliver Kanda (51) anonzi akabva pamba pake mubhuku raMumbamuchena nemusi wa15 Kurume nguva dzekuma4 kunze kwave kuedza achienda kupurazi reMeda kunotsvaga huni nemumwe wake uko vakazonwa doro iri. 

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti Oliver akanosvika kupurazi uku nenguva dza6 dzemangwanani ndokusangana naGiland Gwaze (31) anobva mumusha mumwe chete naye.

Gwaze anonzi aiva netubhodhoro tutatu twedoro rekangopisa ndokutanga kunwa vose. 

“Varume ava vainwa doro uku vachitema huni kusvikira vakapedza tumabhodhoro tutatu. Vapedza doro iri, vakazoenda paimwe tuckshop apo vakanotenga rimwe doro remhando iyi kusvikira kuma11 mangwanani iwayo,” vanodaro Insp Mundembe. 

Vanoti Gwaze akazodhakwa ndokukotsira patuckshop apa kusvika kuma1 masikati.

Panguva iyi, Oliver anonzi akanga afanotungamira kumba achinzi aityira kuzotadza kufamba nekudhakwa. 

“Mwana waOliver anonzi Kennedy Kanda (19) akazoenda kutuckshop uku achitsvaga baba vake ndokuudzwa kuti vainge vabva vachiti vaienda kumba uko vasina kuzosvika. Mwana uyu akazoramba achivatsvaga kusvikira azovawana kuma5 zuva rodoka vakafenda varere musango vachitambura kufema zvakanaka,” vanodaro Insp Mundembe. 

Kennedy nevamwe vanhu vakazotakura Oliver vakaenda naye kumba kwaiva nemudzimai wake uyo akanobika bota ndokuedza kumudyisa. 

“Panguva iyi apo mudzimai wake aimupakicha bota, murume uyu akabva angoshaya akaradzikwa pamakumbo emukadzi wake. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuGuruve ndokutanga kuferefetwa zvikaonekwa kuti murume uyu akafa nekudhakwa zvakadarikidza nedoro risingabvumidzwe nemitemo yenyika ino iri.”

Insp Mundembe vanoenderera mberi vachiti, “Semapurisa, tinotsoropodza zvikuru kunwa doro risingabvumidzwe uyewo iko kunwa doro kunoda zvine mwero, kwete kuita vanamusiya dzasukwa. Tinokurudzirawo kuti vanhu vanwe doro vadya.” 

Share This:

Sponsored Links