akafa arumwa nehuku. . . chitunha chikachema

17 Jul, 2020 - 08:07 0 Views
akafa arumwa nehuku. . . chitunha chikachema Dzimwe hama dzaive parufu

Kwayedza

Ray Bande ari kwaMUTARE

CHITUNHA chemudzimai wekwaChigodora, kwaMutare — uyo akafa mushure mekunge arumwa nejongwe rehuku ravainge vakwereta — chinonzi chakachema apo chaive chaiswa mumochari kwemazuva maviri zvikashamisa hama neshamwari dzainge dzaungana parufu rwake.

Rufu rwaChandapiwa Makaza rwakaita mukurumbira pamadandemutande zvichitevera zvakaitika mudzimai uyu asati afa uye nepaakazoshaya.

Anga ave nemakore 42 okuberekwa.

Lancelot Makaza

Chandapiwa — uyo akange achangopedza zvidzidzo zvake paReformed Church University — aifanirwa kunge akatanga kushandira rimwe sangano rakazvimirira musi we6 Chikunguru unova wakavigwa mutumbi wake.

Kwayedza yakashanyira mhuri yekwaMakaza kumaruwa ekwaMutare ichida kunzwa zvakazara pamusoro perufu rwake rwunoshamisa.

Murume wake, Lancelot Makaza (50), anoti haasati ave kukwanisa kugamuchira mafiro emudzimai wake.

“Rufu rwemudzimai wangu harunzwisisike kwatiri. Nyaya yose yakatanga apo takachinjana majongwe ehuku nemumwe watinogara naye munharaunda muno. Aka kakange kave kechipiri tichikwereta jongwe kwaari.

“Takamborikwereta munaChikumi (mwedzi wapera) uye takazoridzosera mushure mekunge raruma mudzimai wangu. Muridzi waro akatiudza kuti ndiwo mugariro waro wekuruma vanhu. Akatotiudza kuti jongwe iri rinoda chaizvo kuruma vanhukadzi.

“Takazofunga zvekurikwereta zvakare svondo rapera (svondo rapera pamberi) sezvo taifarira mhando yacho. Imhando yakakura zvikuru kudarika dzimwe dzatinoziva.

“Jongwe iri rakaruma zvakare mudzimai wangu uye rakatomukuvadza pagumbo.

“Ronda iri rakapedzisira rave kubuda urwa. Mudzimai wangu aigara achichema zvikuru nekuda kweronda iri sezvo aisada kuti rigumwe kunyangwe negumbeze.

“Zuva raazoshaya, ndakapedza husiku hwose ndakabata gumbeze kuti risagume ronda iri,” anodaro.

Lancelot anoti chitunha chemudzimai wake chakachema pachaive mumochari.

“Takashamisika nezvatakaona mumochari patakaenda kunotora mutumbi kuti tiuvige mushure memazuva maviri tauendesako. Mutumbi wake waitochema zvinoonekwa, misodzi ichitochururuka pamatama.

“Takaronga kuti mutumbi uyu ugezwe setsika yechivanhu. Vakuru vedu vakatiudza kuti uyu mucherechedzo wekuti akafa rufu rwunorwadza,” anodaro.

Lancelot anoti chinamato chemhuri yavo hachivatendere kuenda kunobvunzira kun’anga kana maporofita.

“Kana zvakadai zvikaitika, panoita mitauro yakawanda. Tinopinda chechi yeZion Christian Church uye hatina kumbofunga kuenda kunobvunzira kun’anga pamusoro pechiitiko ichi. Tinosiira zvose kuna Mwari,” anodaro.

Achibvunzwa nezvenhoroondo yeutano hwemudzimai wake, Lancelot anoti mushakabvu aitambudzwa nechirwere chemwoyo asi panguva yaakazoshaya haana kumbobvira ataura kuti waimurwadza.

Anoti kudai pasina chirwere cheCovid-19, mudzimai wake angadai akagirajuweta munaChikumi mushure mekupedza zvidzidzo zvake.

“Zvinorwadza kuti takashandisa zvakawanda mukumudzidzisa. Ange akachangopedza zvidzidzo zvekuyunivhesiti uye aifanirwa kugirajuweta munaChikumi. Aifanirwa kutanga basa musi wa6 Chikunguru waakavigwa,” anodaro murume uyu.

Mumwe muvakidzani wemhuri iyi anove akadzidzira basa ruhuchiremba, Maengeni Bingadadi, anoti zvichida mudzimai uyu anogona kunge akafa nedambudziko rinozivikanwa nekuti “sepsis” mushure mekurumwa nejongwe iri. Anoti dambudziko iri rinogona kunge rakauya apo akarumwa nejongwe iri chironda chacho chikasarapwa zvikaita kuti panyuke humwe hutachiona hwakaipisisa.

Muhurukuro nenhepfenyuro yedu yeDiamond FM iyo iri kwaMutare, muridzi wejongwe iri, Zvikomborero Takarinda, anoti rine tsika yekuruma vanhukadzi.

“Iri raive remhando yakasiyana nedzimwe uye vanhu vaiuya vachirikwereta nekuda kwekukura kwaro. Aka hakazi kekutanga mhuri iyi ichikwereta jongwe iri.

“Handaishandisa jongwe iri zvimwe zvinhu kunze kwekuti ribatsire tseketsa. Zvisinei, jongwe iri raive netsika yekuruma vanhu, zvikuru vanhukadzi,” anodaro.

Takarinda akazochema zvikuru mushure mekunge vagari vemubhuku rake, avo vakange vaungana parufu apa, vakati jongwe iri rinofanirwa kuurayiwa ropiswa.

Murume uyu akamanikidzwa kuuraya jongwe rake nekuzoripisa apo misodzi yaive pamatama vanhu vachiona.

Zvisinei, jongwe iri rakangotsva makushe chete sezvo rakabva ratorwa nembwa ndokunodyiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>