Akafira Mari yeroora

08 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
Akafira Mari yeroora

Kwayedza

Samuel Kadungure

MUSHA uri munzvimbo yeMasvosva, pedyo nedhorobha reRusape, svondo rapera wakaputirwa nekusuwa kukuru zvichitevera kupondwa kwemurume saimba nembavha dzaive dzakapakata zvombo dzichida mari yeroora pamwe chete nemari inobviswa nevanhu sechikwata yekuti izoshandiswa mukuviga vafi (burial society).

Chikwata chembavha sere chinoratidza kuti chaive neruzivo nezvemari iyi apo chakasvika pamusha waVaBoars Mamutse uri mubhuku rekwaGweremwezhe, kwaSadunhu Masvosva, ndokuponda murume uyu.

Mhondi idzi dzinonzi dzaida chikamu chemari yeroora yaive yabviswa muna Nyamavhuvhu.

Pamusoro pezvo, mhondi idzi dzaida zvakare mari yose yeburial society kubva kune mushakabvu uyo anga ari mubati wehomwe yeMasvosva Village Burial Society.

Mutauriri wemapurisa kuRusape District, Assistant Inspector Muzondiwa Clean, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi weSvondo wadarika.

Vanoti mudzimai waVaMamutse, Thandiwe Makuyana, aive muimba yavo yekubikira apo vanasikana vavo Caroline naTarisai vaibika kudya kwemanheru vari mune imwe imba pakasvika mhondi idzi.

Zviso zvavo zvaive zvakavharwa nemachira uye vainge vakapakata mazipanga, matemo nematanda.

Apo vakapinda muimba yekubikira, mumwe wemhondi idzi akabva abata VaMamutse nechisimba, ndokuvaudza kuti vavape mari yose yavaive nayo.

VaMamutse vakaudza mhondi idzi kuti vakange vasina mari, asi chikwata ichi chakatanga kuvarwisa vose nemudzimai wavo.

“Vaviri vemhondi idzi vakabva vamanikidza Muzvare Makuyana kuti avatungamirire kuenda kumba uko vanasikana vavo vaviri vaibika chikafu chemanheru. Chikwata chemhondi ichi chakabva chasunga amai ava nevanasikana vavo maoko netambo kuseri kwemusana.

“Vamwe vechikwata chembavha ichi vakaramba vachirwisa VaMamutse vachiti vanoda mari,” vanodaro Asst Insp Clean.

VaMamutse vakazama kurwisana nemumwe wemhondi idzi asi vakakurirwa simba ndokubva vatemwa nedemo kamwe chete pamhuno.

“VaMamutse vakabva vadonha pasi apo chikwata ichi chakavazvuzvurudza kuenda navo kuimba yavanorara. Vakaramba vachivarova mumusoro. Chikwata chemhondi ichi chakazoba US$7 yaive musuitcase yaVaMamutse neimwe mari yemuno isina kuzivikanwa huwandu hwayo,” vanodaro.

Mhondi idzi dzakabva dzanyangarika murima.

“Muzvare Makuyana vakazokwanisa kuzvisunungura pamwe chete nevanasikana vavo pavaive vakasungwa. Vatatu avo vakawana VaMamutse vafenda varere mudivi reropa muimba yavo yekurara. Pavakaridza mhere yekuti vabatsirwe, vavakidzani vavo vakanovayamura. Vamwe vanhu vakabva vapihwa basa rekuvhima mhondi idzi asi hadzina kuonekwa,” vanodaro Asst Insp Clean.

VaMamutse vakazomhanyiswa kuchipatara cheRusape General Hospital asi vakasvika vachinzi vainge vatofa.

Asst Insp Clean vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvinenge zvichitaurwa nembavha dzinenge dzakapata zvombo nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwavo.

Vanokurudzira zvakare veruzhinji kuti vasachengete mari yakawanda mudzimba dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>