Akanorohwa kubasa kwemurume wake

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
VANHU vaive mudare vakashamisa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamurovesa zvakasimba nevaanoshanda navo pakaenda kubasa kwake achida kunobvunza mari yaanotambira.

Vaida Gwewera akaendesa Shepard Mailoti kuHarare Civil Court achida $150 yake ne$100 yemendenenzi yemwana.

“Chekutanga, ndinoda kuti kuuya kwangu kuno hakusi kuda kupfidzisa baba ava asi kungoti vagadzirise padiki-diki chete pavari kuvhiringa. Ini ndiri kuda $100 yangu yekuzvichengeta sezvo ndisingashande kuburikidza naiye akati haadi mukadzi anoshanda.

“Chepiri, murume iyeyu anoita mabasa akasiyana zvekutoti mari yekundipa ndinotoziva kuti anenge anayo, kuiburitsa chete ndikwo kwaanenge asingade kuita. Manje anoshungurudza mwana wake nekuti ndiye asingakwanise kuzvitsvagira chokudya kana chokupfeka ari oga,” akadaro Gwevera.

“Pamusoro pezvo vedare, akanditi ndimbonogara kumba kwevabereki vangu kunova kwandiri kubva izvezvi asi chandisingachazive ndechekuti ndakarambwa here kana kuti rudo rwuchiri kupfuta. Munhu angarambe nemari shoma iyoyo iye achiwana $200 yekugadzira magetsi, anotorazve mari yerendi kudzimba dzaanochengeta kuita mupurisa wemunharaunda achiwana $140 neyake semutungamiriri wemamwe mapurisa emunharaunda inova $100 asi ari kuti sona-sona neka$40”

Akati akamboenda kunoshanda murume wake achida kuziva kuti anotambira marii asi akamurovesa nevaanoshanda navo.

“Ndakamboenda kwaanoshandira asi iye akati vaanoshanda navo vandirove iye ndobva atiza achienda kumusha kuti asanzi ndiye ainge azviita. Ndichibva kunorohwa kudaro akanga afonera muridzi wepamba pataigara kuti andidzinge achiti haandizive asi ini ndagarapo kwemakore maviri anoraudzira. Saka vedare kuti ndiuye neumboo hwemari yaanotambira ndototya kuti ndingafe,” akadaro Gwevera.

Mailoti akapikisana naGwevera achiti vaiva vasina kurambana asi kuti pane zvakaitika pakati pavo uye mari yaidiwa yakawandisa.

Akaramba zvakare kuti aive ane zvinzvimbo zvaakapihwa kubasa kwaanoshanda.

Akati basa rekugadzira magetsi akange asingariite mazuva ose asi kuti pano nepapo.

“Changamire, kumuramba ini handina asi kuti mumba manga maita dambudziko raida anatete saka naizvozvo taida kuti tinotongerwa kumba kwavadzimai. Ndakazongoramba ndobatikana kubasa zvikaita kuti vafunge kuti ndainge ndave kufunga kuvapa gupuro nyambisirwa ndaitoda kugadzirisa zvinhu asi sekuona kwenyu nyaya yatoenderera zvadzamara ndizvuvirwe kuno kudare.

“Kuchengeta mwana wangu ndizvo zvandinosiira tauro rakatota mazuva ose, asi kuti mwana iyeye anembenge anyatsoda chii chekuti ange achinzi anokwanisa kuchengetwa ne$150? Mwana wangu mudiki kwazvo zvekuti mari yarehwa iyi yakawanda.

“Pamusoro pezvo, handingangopa mukadzi mukuru mari iye akagara uye achikwanisa kushanda sezvo asina kuremara. Zvose zvaari kuti ndakamurambidza kushanda ndidzo nhema semari dzaari kuti ndinowana. Ini ndakangoti handidi aite basa remumba chete kwete zvimwe zvese izvi.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mailoti aizobhadhara $40 yemwana ne$30 yemudzimai wake pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>