Akanyn’udzwa muzvikwereti

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE murume anoti akagurwa kunorira neaimbova mudzimai wake uyo akamusiira zvikwereti zvaari kubhadhara pamusoro pezvo omumhan’arira kudare achida kuti abvise mendenenzi.

Cain Kamunderu akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naMelisa Mucha achiti anoda $100 yekuchengeta mwana.

Mucha anoti Kamunderu haasi kumubatsira kuchengeta mwana.

“Kuti ndichengete mwana wedu zvakanaka ndinoda $100 apa ini handishande. Saka mari iyi ndiyo yandichashandisa kutengera mwana mbatya, zvekudya nekubhadhara pekugara,” anodaro Mucha.

Anoenderera mberi achiti, “Baba vemwana mari iyi vanoikwanisa nekuti vanoshanda sagadhi uye vanowana mari yevarwi vehondo yerusununguko. Tikabatanidza mari yacho vanowana $360 pamwedzi.”

Kamunderu anoramba mashoko ekuti anoshanda sagadhi achiti akaregedza basa ndokuti ava kungowana mari inopihwa varwi vehondo yerusununguko.

“Basa rechigadhi ndakaregedza, ndinotorarama nemari yandiri kuwana yevarwi vehondo inosvika iyo ku$200. Mari yandingatokwanisa kubhadhara i$30,” akadaro Kamunderu.

Anoti zvakare ari kubhadhara zvikwereti zvaMucha izvo zvaakamukweretera achida kutanga bhizimisi pavaive vachiri vose.

“Mudzimai uyu pataigara tose akati ave kuda kutanga bhizimusi ndikamutorera zvikwereti zvandichiri kutobhadhara izvezvi. Ndinotosarirwa ne$70 pamwedzi,” anodaro Kamunderu.

Mucha anoramba kuti ndiye akashandisa mari yakakweretwa naKamunderu achiti murume uyu akaishandisa yose saka zvikwereti izvi ndezvake.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Kamunderu abhadhare $50 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>