Akanyn’udzwa nemufakazi

13 Mar, 2015 - 10:03 0 Views
Akanyn’udzwa  nemufakazi

Kwayedza

Sandy Musungata
MURUME wekuudza dare kuti anozvindikitwa nemukadzi waakarambana naye uyo aimbomushandira papurazi rake akany’udzwa nemufakazi wake mushure mekunge apupura kuti ainyepera dare.Tendai Masawi akanyadziswa naJoyce Mahwede akanzi ainyepa mudare reHarare Civil Court apo akange akamhan’arira yaimbova shamwarikadzi yake, Emily Maradza, achiti anomuzvambaradza pamwe nekumutukirira.

“Changamire, nemukadzi uyu takambofambidzana asi ndakazomuramba nenyaya yekuti haagarikike naye. Munhu wejambanja, anondituka nekundirova, ndingangoti anondishungurudza zvekutoti nditori nemavanga ekukuvadzwa naye.

“Saka ndakazomusiya asi zvakadaro, handina zororo nekuti ari kuuya kupurazi kwangu achindirova nekunditukirira. Nditori nematsamba ekuchipatara anoratidza kurapwa kwandakaitwa ndakuvadzwa,” akadaro Masawi.

“Mudare muno aripo mukadzi waakauya naye paakapedzisira kundirova zvekuti kana ari munhu anotaura chokwadi anogona kupupura kuti zvedi ndakarohwa.”

Maradza, uyo aingoseka-seka paitaura Masawi, akaramba mhosva yaaipomerwa.

“Baba ava ndakavashandira kwemakore manomwe saka vakabva vandida ndokubva vati havangandibhadhari nekuti ndaiva ndave mudzimai wavo.

‘‘Iko zvino vaona kuti zvinhu zvava kuvaitira vava kuti handichakudi pasina kana chikonzero, kana kundipawo kamuripo kekuti ndigone kuwana pekutangira,” akadaro Maradza.

“Nyaya yavari kutaura kuti ndakavarova manyepo. Mwana wavo mukomana ndiye akatondirova ndaenda kunopihwa mari yerendi. Chandakaroverwa yaiva nyaya yekuti muri kudananirei nababa vedu.” Mufakazi waMasawi, Mahwede, akaudza dare kuti akange asina kurohwa naMaradza asi kuti iye Maradza ndiye akarohwa nemwana waMasawi.

Mutongi Trevor Nyatsanza akabva arasa chikumbiro chaMasawi achiti hapana umboo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>