Amai vobatsirikana nekupfuya huku

28 Jun, 2023 - 15:06 0 Views
Amai vobatsirikana nekupfuya huku Mai Marimbizhike nemwana wavo vachiona nhiyo dzavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaSabhuku Ururu, kwaChikwaka, kuGoromonzi, ari kukurudzira vamwe vanhukadzi kuti vasagarire maoko, asi kuti vaite mabhindauko anosanganisira kupfuya huku nedonzvo rekuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

Mai Rebecca Marimbizhike (35) vanoti vasvitsa makore anodarika mashanu vachiita basa rekupfuya huku dzenyama vachitengesa vachibatsirana nemurume wavo.

“Madzimai tiri vabatsiri vevarume vedu mudzimba, seni handina nguva yekuzorora kunyangwe murume wangu aine bhizimisi raanoita rekutakura zvinhu nerori redu nekuitawo zvakasiyana. Pano pamusha ndinosara ndichipfuya huku dzechivanhu nedzenyama kusanganisawo dzemazai.

“Izvozvi ndaiva nedzenyama dzakatopera kutengwa. Ndakaenda kwaBhora ndikanotenga dzimwe 50 dzamuri kuona idzi,” vanodaro Mai Marimbizhike.

Vanoti vakamboita huku dzemazai dzikapedza kukandira.

“Mushure memasvondo matanhatu, ndinenge ndava kutotengesa huku idzi imwe chete ichiita US$6. Baba vanozouya vachiwana imwe mari yatoungana pano, toronga kuti totengei.

“Ndinoti kumadzimai ngatisagarire maoko asi kuti ngatibatsirei vanababa vedu,” vanodaro Mai Marimbizhike.

Vanoti kunze kwekutengesa huku idzi vachawana mari, vanourayawo vachiita usavi hwemhuri.

“Mabasa ekurima pamusha anoitwa neni baba vaenda kubasa. Nyaya iya yekuitirwa mabasa epamisha yedu nevashandi tichitevedzana nanababa yakapera kare.”

Mai Marimbizhike vanokurudzira varimi vanoita basa rekupfuya huku kuti vadyidzane zvizere nevebazi reDepartment of Veterinary Services (DVS) kuitira kuti vabatsirwe nemazano ekuti mabhindauko avo aendeke.

“Huku dzedu dzinoda mishonga, kuchengetwa kwakanaka nekuisawo mwenje mumazumbu kana mudzimba madzinogara. Saka ngatiitei zvose zvinodiwa nekuti kana tikadaro tinobudirira pasina huku dzinofa,” vanodaro Mai Marimbizhike.

Share This:

Sponsored Links