‘Vanhukadzi torai zvigaro’

20 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
‘Vanhukadzi torai zvigaro’ Mamwe emadzimai ane zvigaro zvepamusoro akapinda mumusangano wakarongwa nekambani yeDelta Corporation

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inokurudzira vanhukadzi kuti vatore zvigaro zvepamusoro munyaya dzedzidzo nemumabasa akasiyana uye kuti vasangomirira rubatsiro rwunobva kuvanhurume sezvo zvichivanenekedza kumikana yakakura yekumbunyikidzwa.

Mashoko aya akataurwa naMai Mavis Sibanda vanova munyori mukuru kubazi rezvemadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati pamabiko chakaitirwa madzimai ari mumapoka akasiyana nekambani huru inobika doro nezvinwiwa yeDelta Corporation nguva pfupi yadarika.

“Tinoda kuti madzimai akawanda atore zvigaro zvepamusoro mumakambani sevazhinji vatiri kuona vari pano. Izvi zvinobatsira kuti vave mucherechedzo wekuti munhu wose anogona basa zvisinei nekuti mudzimai here kana kuti murume kureva kuti tiri kurwira nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

“Madzimai kana achinge awaniswa dzidzo nehunyanzvi, handione paine chavanokundikana. Kana tikadzidzisa uye tikakwiridzira vanhukadzi, takwiridzira nyika nekuti zvinoita kuti vaone kukosha kwedzidzo nemabasa vachizofundisawo zvizvarwa zvinotevera,” vanodaro.

Chirongwa ichi – icho chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa” – chakaona madzimai achipangwa mazano maringe nenzira dzavangatora kuti vave vatungamiriri vemabhizimusi.

“Ndinotenda zvikuru kambani yeDelta Corporation nekuwanisa mukana wekuti madzimai awane nguva yavo vari voga vachifurwa nemhepo, kwete kuti vachingofara bedzi, asi vachikurukura maringe nezvinhu zvakakosha muupenyu hwavo.

Ndinofara kuti madzimai anoshanda mukambani ino ndivo vatsigira chirongwa ichi uye vari kuita mabasa makukutu ekusimudzira bhizimusi rezvinwiwa iri zvichibva mukubatana nekuva vanhu vane hunhu nekuti kana mushandi ukaita mabasa akaipa, kambani yaunoshandira inopinda zvekare mumadhaka.

“Ndinofara zvikuru kunzwa kuti chikamu che30 – 33 percent chemadzimai ane zvigaro zvepamusoro mukambani yeDelta kureva kuti vanhukadzi vari kuwaniswa mikana yakawanda yekukwira manera,” vanodaro.

Madzimai ari kuda kuvamba mabhizimusi kana kuvandudza avagara vainawo vakakurudzirwawo kutora mari yezvikwereti kubhanga rakamirira kuvatsigira reWomen Development Funds kana kuti kuhomwe yeZimbabwe Community Development Fund.

Mai Beatrice Mtetwa, avo vanova gweta rine mukurumbira, vakawanawo mukana wekudzisisa madzimai maringe nemitemo yewanano, kugovewa kwenhaka uye kuchengetedzwa kwevana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>