Angova madirativhange

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NGUVA ino yava yekuti fare-fare tindike. Tinofanirwa kuziva kuti mukana wekumborova bhora rechikweshe neshamwari wakavhurirwa nekuda kwekupera kwebvunzo, asi hatibva tati hweshe, pada, nhodo, arauru nedunhu ndizvo zvabva zvava zvekuswerera pasinawo kumbobata bhuku.
Bepanhau reKwayedza rinoramba richingodzidzisa nekuti kudzidza hakuperi.
Dzidzo haisi yekungoitira bvunzo chete asi kuti zvinoda kugara munhu denhe reruzivo rakaringana.
Muchikamu chino ndinoda kubata zvinhu zvakasiyana-siyana zvatingangoda kugara tichiziva muhupenyu hwedu.
Mumadirativhange atiinawo rwendo rwuno tinoda kutarisa zvinhu zvakanangana nekudya zvakaita semiriwo, zvirimwa uye zvipuka zvinodyiwa navanhu. Miriwo inouya napakasiyana kunyanya kuvagari vekumaruwa. Zvakasiyana navanhu vanogara mumadhorobha avo vanongoziva kuti muriwo inyama inowanikwa mumasiraha newemashizha unowanikwa muzvitoro nepamusika.
Kumaruwa imandodyachipi nekuti vanhu vanowana zvakaita semowa mumapani kana chirevereve zvichingomera zvoga musango munguva yeZhizha. Mujakari zvakare nefuranondo zvinongomera musango nemuminda kusanganisira nenyevhe iyo inozivikanwa nekunaka zvikuru kana yasanganiswa nenyama.
Mumanga kana kuti muboora pamwe chete nemunyemba zvinodyarwa apo mhodzi dzacho dzinokavirwa pamwe chete nechibage.
Derere imwe mhando yemuriwo inokonzera kupazwa kwemakomo esadza. Derere rinowanikwa riri pamhando nhanhatu. Kune rinozivikanwa uye kurimwa navanhu rinonzi chipodzi. Rimwe zita rinopihwa derere iri nderekuti nyanhanda.
Kunozowanikwawo samwenda rinomera musango. Kune kamwe kaderere kapfupi kanomera mumakura kanobikwa mashizha ako. Nama rinomera rega uye rinobikwa mashizha aro.
Chijonga nehambakachere imhando dzederere dzinocherwa midzi yacho yotswiwa kana kudzvurwa yozobikwa. Chijonga nehambakachere zvinozosiyana pakuti derere rechijonga idzvuku.
Hunhu hwedu hwavatema hwakagara huri hwekuunganidza chikafu kubva mumatondo uye nekuvhima kana kupambara nekudaro vanhu vaidya makurwe, uchi, hove nembeva. Tine mhando dzakawanda dzehove dzinobatwa nekuraura, kuradzira, kukukuzva kana kubata nemambure.
Kune hove hombe dzinoti mvura ikanaya zhinji dzinokwidza nerwizi dzinonzi miramba. Ihove dzinozivikanwa nemusoro muhombe uye nedzinenge ndebvu. Kunozitawo zvigwaya zvinova. Hunga ndiyo iya isingadyiwi musoro. Vadzimba vakabata hunga vanodimbura musoro vokanda makare mudziva. Inoda kunofanana memuramba.
Kunewo chibayangwena neimwe inonzi cheni. Kune zvakare imwe inoti netsei kubata nechirauro inonzi nyamatsatsi.
Regai tigopedzisa chirongwa chemadirativhange muchikamu chinotevera umo tichabata zvimwe zvezvinhu zvandataura kumusoro zvisina kuzotsanangurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>