‘Anoda kundiponda nevana’

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
MUDZIMAI wekuti murume wake anoda kumuuraya pamwe chete nevana vavo akazopotera kudare. Anna Natch akaendesa Gilmore Musekiwa kuHarare Civil Court achiti anogara achimuzvambaradza. “Changamire, murume uyu anogara achindirova, handzive kuti mhosva yangu ndeyeyi. Anoti anoda kundiuraya pamwe chete nevana saka ndava kutotya kugara naye,” Natch akaudza mutongi wedare iri, Barbra Mateko.

“Handichamuda nekuti ndakaona kuti handingagarisane nemhondi. Rimwe zuva akamboda kundidira mvura inopisa ndakatiza nevana ndichitya kuti vanogona kupondwa. Ava nemazuva asiri pamba achigara nepfambi yake. Ini zvekugarisana naye handichada zvangu.”

Musekiwa akaramba zvaitaurwa naNatch achiti: “Zviri kutaurwa nemudzimai uyu ndezvemanyepo. Tine makore akawanda tichigarisana uye tine muchato. Kana ndichimutsiura haaterere zvinova zvinondigumbura sababa vemusha. “Vana vaanoti ndinoshungurudza manyepo nekuti hapana zuva randakambopinza vana munyaya dzedu tiri vaviri asi iye anoda kuvadzidzisa tsika dzakashata. Musi wandakanetsana naye ndakanga ndaona mameseji echikomba chake mufoni make. Chipfambi chake chakandigumbura ndakasvika pakumurova.” Mutongi Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Natch.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>