‘Anondirevera chikwereti chero nemuchechi’

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
NYAKUKWERETA mari kumuvakidzani wake akazviparira sezvo ava kubvunzwa chikwereti ichi pose pavanosangana pamwe nekunyeyewa apo anenge achiparidza muchechi. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Ever Hoko akaendesa Lisa Matope achida mari yake yaakamukweretesa.

“Ndakamupa zvinhu zvangu kuti anditengesere, ndatove nemazuva ndichibvunza mari iyi asi haasi kuda kundipa apa nekwandinogara kwacho kure. Mari yave kutoperera munzira ndichingofambira chikwereti. Mari yangu yaainayo i$45 handizivi kuti ari kuda kuti ndiite sei kana ava kungoramba achindivhara,” akadaro Hoko.

Matope akabvuma kuti ane chikwereti chaHoko asi akati haasi kufara nemabvunzirwo aanoitwa mari iyi. “Chikwereti chake handisi kuramba kuti ndinacho uye mari yaataura ndiyo chaiyo. Dambudziko rava pamubvunziro waanozoita. Anoita kundisona pose pandamuonera. Akangondiona ndakabata chingwa otonditi muri kudya zvenyu chingwa mari dzedu musingadi kutipa. Raini rose rava kutoziva kuti ndine chikwereti naye. Mari yavo ndinovapa kana ndaiwana asi chinondishamisa ndinotomboita zvikwereti zvavo zvakapfuura yavandizvuvira kudare, hameno kuti vandifungirei,” akadaro.

Akati Hoko anotaura nyaya yechikwereti iyi kuchechi yaanopinda zvakare izvo zvave kumubvisa chimiro. “Kubvunza kwavo hakuperere kumba chete, kana ndichiparidza mukereke ndinotozonzwa nemakuhwa kuti vanga vachikwenya mumwe wavo kuti munoziva here kuti vane chikwereti changu? Munhu unotoshaya chiremerera muchechi nenyaya yekushatiswa zita rako,’’ akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Matope abhadhare Hoko mari yake musi wa30 Gumiguru usati wadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>