Anorova murume rovha

14 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
Anorova murume rovha Western Commanage Courts

Kwayedza

Danisa Masuku
KANA mudzimai wako akatanga katsika kekukurova uye kuramba kusasana newe pabonde mushure mekunge waburitswa basa ungaite sei?

Devine Hlabano akamhanyira kudare reWestern Commonage Court kunokumbira gwaro redziviriro kumudzimai wake Mable Ndlovu nekuti anoti anomutuka, haadi kusasana naye uye dzimwe nguva anorara kushabhini achinwa doro neshamwari dzake.

Nhamo yaHlabano inonzi inowedzera apo anobvunza mudzimai wake kuti sei asina kurara pamba izvo zvinoita kuti atsamwe omutuka.

Sekutaura kwaHlabano, mudzimai wake akapedzisira kusasana naye munaKurume gore rino asati abuda basa.
Anoti akamboedza kumukumbirisa kuti apiwe kodzero yake yekusasana naye asi zvose zvakakona.
Hlabano anoti mudzimai wake akabuda pachena ndokumutaurira kuti chinoita kuti arambe kusasana naye ndechekuti mushure mekunge apererwa nebasa, anogara achingochema-chema kuti haana mari asi achiswera achinwa doro neshamwari dzake.

Pamusoro pezvo, murume uyu anoti mudzimai wake ari kumupomera kuti haatengi zvokudya kumba izvo zviri kuita kuti iye nevana vavo vafe nenzara.

Hlabano anoti kunyangwe zvake asiri kuenda kubasa rine pundutso, anotenga chikafu nekubhadhara rendi.
Mugwaro rake riri mudare iri anoti: “Ini ndinonzi Devine Hlabano, ndakaroora Mable Ndlovu. Dambudziko rakatanga pandakapererwa nebasa munaKurume gore rino mushure mekunge kondirakiti yangu yamiswa.

“Mushure mezvo, Mable akatanga kundinyima bonde uye anoswera achinwa doro neshamwari dzake.
“Ndikamubvunza anobva atondipopotera achindirova. Anoti haakwanise kuita bonde neni nekuti anenge aine nzara asi hapana kana zuva rimwe chete raakarara asina kudya sezvo ini ndichitenga chikafu.
“Ndinonamata kuti dare rino rindipewo gwaro redziviriro.”

Mutongi Linear Khumalo akapa Hlabano gwaro redziviriro.
Mable akarairwa kuti asatuka murume wake pamwe nekumurova.

Share This:

Sponsored Links