‘Anotengera mwana girosari retutsaona’

25 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
‘Anotengera mwana girosari retutsaona’ Tsaona

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI anogara muHarare anoti aimbove murume wake ane katsika kekuti kana akatora mwana, paanodzoka anomupa girosari re”tsaona” iro rinenge rakakamurwa-kamurwa rakaiswa mutufutu twemapurasitiki akasungwa nemapegisi.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Marcia Masara akamhan’arira Simbarashe Gonese achida US$180 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo ane makore mana okuberekwa.

“Gonese anoshandira kambani uko anoita basa rekugadzira mafiriji (technician). Ndinokumbira andibatsirewo kuchengeta mwana nekuti hapana kana chaanoita,” anodaro Masara.

“Pese paanotora mwana weekend, anodzoka akarongedzerwa chikafu chakakamurwa-kamurwa zvakaiswa mapegs kuti zvisarasike. Zviri nani andipe hake mari pane kundipa zvinhu zvakavhurwa kuti ndigopa mwana,” anodaro.

Achipawo divi rake, Gonese anoti anokwanisa kubvisa US$20 pamwedzi sezvo kondirakiti yake kukambani yaari kushanda ichipera musi wa31 Zvita 2023.

Anoti anokwanisa zvekare kubhadharira mwana mari yechikoro, kumurapisa nekutenga chikafu.

“Zvose zvaari kutaura ndezvekunyepa, mwana ndinochengeta kungoti pari zvino ndiri kuchengeta baba vangu vasingaoni,” anodaro Gonese.

Masara akachema-chema achiti anoda kupihwa mari pane kuti mwana aite chikafu chekukamurirwa.

“Hatitonzwisisane nababa ava nekuti vanoputa zvinodhaka, hapana chatinotaurirana chinobuda,” anodaro

Mutongi Ayanda akati Gonese abhadhare US$40 pamwedzi nekuendesa mwana wake kuchikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>