Any’udza US$10k mun’anga nemaporofita kuti asafe

24 Jan, 2024 - 13:01 0 Views
Any’udza US$10k mun’anga nemaporofita kuti asafe US$

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anogara mumusha weSunningdale, muHarare, akakurukwa motokari nemari izvo zvose zvinokosha US$10 380 nemaporofita uye n’anga dzenhema mushure mekunyeperwa kuti pane hama yake yepedyo yaive yauya kwavari ichida kuti vamuuraye nekudaro aifanirwa kubhadhara mari yekutsikinura upenyu hwake kuti asafe.

Maporofita nen’anga dzemanyepo ava ndiNewlife Magona (35) wepanhamba 6563 Unit J, kuChitungwiza, Wellington Tawadzana (32) wepanhamba 6869 Bilton Road kuWaterfalls, muHarare, kuchizoti vamwe vasati vabatwa vanoti Sekuru Mapipi nemumwe anongonzi Pardon naWFPK.

Vaviri vakabatwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi uye vari kutarisirwa kuzomira pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Winfilda Tiatara, nemhosva dzehuwori (fraud and extortion) munguva inotevera.

Zvinonzi nemusi wa6 Gumiguru gore rapera munguva dzemanheru, mumhan’ari Pamhidzai Madziko (42) wepanhamba 991 Sunningdale 3, muHarare – uyo anove muzvinabhizimusi ane bhawa, bhucha nenzvimbo yekutandarira nekudyira kuWaterfalls – akatsotswa nemaporofita nen’anga dzenhema idzi apo vakamuridzira nhare vachimuudza kuti pane imwe hama yake yepedyo yakaendesa mufananidzo wake kwavari ichida kumuuraya.

“Vasungwa ava vaiita mushandirapamwe saka mumwe wavo ndiye akandifonera panharembozha yangu achiti vakashanyirwa kumuzinda wavo wavanoitira matare neimwe hama yangu yaida kundiuraya ikavapa mufananidzo wangu kuti vaushandise nenzira yemashiripiti kuti vandiuraye. Vakabva vanditi ndinofanira kuenda kumuzinda wavo nekukasika sezvo vakanga vatova padyo nekuzadzikisa mhiko iyi vachiti hama yangu iyoyo (zita harina kudurwa) yainge yakatovapa muripo weUS$5 000 kuti vandiuraye,” anodaro Madziko mumagwaro ake ekudare.

Nekutyira upenyu hwake, Madziko anoti akabva aenda kuvasungwa ava kuUnit L asi imba yacho yainge isina kunyorwa nhamba.

“Ndakatoenda nemubatsiri wangu Chido Mbizvo uye mutyairi Simbarashe Chirombe. Tasvika paYoung Africa College, muChitungwiza, vakabva vati timire ipapo tichibva tatakurwa nemusugwa wekutanga (Magona) achienda nesu kumuzinda wavo uko takanosangana nevamwe vanoti Twadzana, Sekuru Mapipi nevamwe vaviri vasati vabatwa.

“Takasvikobvisiswa bhutsu nekutevedza zvaidiwa ipapo mushure ndokuzoendeswa kune imwe kamuri yemba iyo yaiva naMadzibaba Mapipi. Vakabva vanditaurira kuti ndaida kuurayiwa nehama yangu inova yakaunza mufananidzo wangu kumuzinda wavo ikabvisa US$5 000 saka kuti vamise kufa kwangu, vakati ndaifanira kubvisa US$6 000,” anodaro Madziko.

Mumhan’ari uyu anoti akachema-chema nemaporofita nen’anga idzi kuti vamudzikisire kusvika paUS$3 000 vachibva vabvuma.

“Pandakavati ndinokumbira nguva yekuzobhadhara vakabva vandibvisisa faindi yeUS$80 vachiti ndapara mhosva uye ndainge ndiri kusavimba navo apo ndakambobvunza tiri munzira kuti vainge vari vaporofita kana n’anga dzechokwadi here.

“Saka nekutya ndakabhadhara US$80 iyoyo. Asi vakabva varamba vachireva mari yekumisa rufu vachiti ndaitofanira kufana kubvisa chidimbu chayo saka ndakazoenda navo kuchitoro changu ndichibva ndavapa US$1 500,” anodaro.

Madziko anoti Sekuru Mapipi akaramba achidzokorora kutaura kuti ndiye ainge avingwa nehama yake yaida kumuuraya ikauya nemufananidzo wake kwavari.

“Vakaenderera mberi nekundiudza kuti vakambotumwa kuti vakonzere kuti ndiminyuke gumbo izvo zvakaita kuti ndikuvare ibvi mumwedzi waChivabvu 2023. Mashoko aya akaita kuti ndibvume zvese zvavaitaura nekuti zvakatoitika muupenyu hwangu. Vakataura zvimwe zvezvakavanzika zveupenyu hwangu uye vakati vakazvipira kukonzera rufu rwangu sezvo hama yangu yainge yakatobvisa US$5 000 yebasa iri nechekare. Vakatondiratidza mufananidzo wangu wavaive nawo uyo wainge wakabairirwa tsono 30,” anodaro Madziko.

Nemusi wa8 Gumiguru 2023, Madziko anoti akaenda kuYambukai Finance Services uko akanokwereta US$6 500 achida kuti abvise mari yaidiwa nevasungwa kuti vasamuuraye.

Paakawaniswa mari iyi, akabva aenda kumuzinda wavo ndokuvapa US$1 500 yainge yasara kuti mari iyi ikwane US$3 000.

Madziko anoti mushure mekubvisa mari iyi, vasungwa ava vakabva vamupa mufananidzo wake kuti abvise tsono 30 dzainge dzakabairirwa izvo akaita.

“Vakati ndibvise tsono idzodzo ndichidziisa mukahari kadiki mushure mezvo vakati ndibvarure mufananidzo wacho ndichibva ndaupisa,” anodaro.

Sekuti izvi zvainge zvisina kukwana, vasungwa ava vanonzi vakati vanoda motokari, US$800 nepeturu kuti vakwanise kutakura chikwambo icho chavaida kushandisa pakumuuraya vagonochidzorera kuMozambique uko vaiti vakachitora.

Vakavimbisa kuti kana vachinge vaendesa chikwambo ichi vaizodzoka vachimupa motokari yake.

Nemusi wa10 Gumiguru, Madziko akaenda kukambani yeEagle Motors akatenga motokari yerudzi rweNissan AD iyo akabva anonyoresa zviri pamutemo ikapihwa nhamba pureti dzinoti AGN 0747.

Motokari iyi akabva aipa Magona pamwe chete neUS$800 yepeturu apo vakasangana paMaruta Shopping Centre, muHarare.

Kubva pazuva ravakati vainodzorera chikwambo kuMozambique, vasungwa ava vakabva vaita museve waenda neuma.

Mumhan’ari mari yese yaakarasikirwa nayo pamwe nemotokari zvinokosha US$10 380 uye hapana chakawanikwa.

Madziko anoti aisaona chikonzero chekuti pave nehama yake inoda kumuuraya asi zvose zvaakaita aitevedza n’anga nemaporofita vemanyepo izvi zvakakonzerwa nekutyira upenyu hwake.

Anoti akatozoona kuti ainge abirwa nekunyengedzwa apo vasungwa ava vasina kudzoka nemotokari yake izvo zvakaita kuti amhan’are nyaya iyi kumapurisa.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kupinda mudare musi wa6 Kukadzi.

Share This:

Sponsored Links