Aoneswa moto anyepera dare

24 Jun, 2023 - 10:06 0 Views
Aoneswa moto anyepera dare Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare – wekuzama kunzvenga kubvisa mari yemendenenzi inokwanirana yekuchengeta mwana wake – akashaya pekupinda mudare apo zvakabuda pachena kuti ainyepa mushure mekutaura kuti hapana basa chairo raanoita rinomupa mari.

Gain Dziripi akazvuzvurudzira Farai Tembo kuHarare Civil Court achida kuti awedzere mari yekuchengeta mwana kubva pa$15 000 pamwedzi kuenda paUS$100 achiti mari yaari kumupa haichakwani.

“Zvinhu zvakwira muzvitoro nokudaro dai mari iyi yaenda paUS$100 kuti ndikwanise kutenga chikafu, mayunifomu nekubhadhara mari yekuchikoro yemwana,” anodaro Dziripi.

Tembo akaudza dare kuti anokwanisa kuwedzera mari iyi kuti isvike $30 000 nekuti haana basa chairo raanoita.

“Ndinoita mabasa ekutotsvakawo mumayadhi ndichigadzira zvivanze nokudaro ndinowana $50 000 pamwedzi,” anodaro.

Dziripi akapikisa mashoko aya achiti pavaigara vose Tembo aitambira mari yekunze (US$).

“Murume uyu anonyepa nekuti murungu wake anomupa mari yekunze, vanofamba nzvimbo dzakawanda kusvika kuVictoria Falls chaiko nemurungu wake vachigadzira mayadhi, iya inonzi ‘land scaping’. Pataigara tose aitambiriswa US$50 pasvondo, kusangoda chete kuchengeta mwana kwaari kuita uku,” anodaro Dziripi.

Achibvunzwa nedare kuti aizorarama sei ne$20 000 inenge yasara mushure mekubvisa $30 000 yemendenenzi, Tembo akatsenga-tsenga mukanwa.

“Uri kunditaurira kuti unopedza mwedzi wese ne$20 000, indava kunyepa pamberi pedare uchipedzera vanhu nguva? Hatidi vanhu vanouya muno kuzotinyepera,” vanodaro mutongi Ayanda Dhlamini.

Tembo akanzi abvise US$50 pamwedzi yekuchengeta mwana wake pamwe chete nekubhadhara mari yechikoro temu yoga-yoga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>