Apfura vanhu pamasowe

14 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Apfura vanhu pamasowe Murume ari kutsvagwa nemapurisa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari mushishi kuvhima murume anonzi ari kutiza ari mumotokari yerudzi rweToyota Allion (new shape) yeruvara rwuchena ine nhamba dzinoti AFW 7641 mushure mekunge apfura vanhu vanga vari pamasowe.

Vapfurwa vanosanganisira muporofita uyewo mapurisa maviri kusanganusira Officer-In-Charge weHwedza Police uyo abva afira panzvimbo.

Mumwe mupurisa wechipiri akuvara zvakaipisisa zvekuti ari kurwira upenyu hwake.

Murume uyu anonzi abva apa ndokuenda kuMukamba business centre uko asvikopfura mumwe munhu akafira panzvimbo, iye ndokutiza nemota yake.

Mapurisa vari kuyambira veruzhinji kuti vangwarire munhu uyu sezvo achikwanisa kupara dzimwe mhosva nenzira iyi.

Zvakawanda zvirikutevera.

Murume ari kutsvagwa nemapurisa

Uyu ndiye murume ari kutsvagwa

Share This:

Sponsored Links