Kwayedza
Phillipa Mukome-Chinhoi
MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mendenenzi mudare achiti anotambira mari shoma akashaya pekupinda nenyadzi apo gwaro remari yaanowana kubasa (payslip) rakaratidza kuti anotambira yakawanda pane yaaive ataura.
Fortunate Matsina akamhan’arira Tendai Nyamanga kuHarare Civil Court achida kuti abvise US$100 pamwedzi yekuchengeta vana vaviri.
“Chinondishamisa ndechekuti baba ava vanochengeta vana vasiri vavo asi vavo chaivo vachivashaira mari yechikafu neyekubhadhara kuchikoro,” anodaro Matsina.
“Mwedzi woga-woga anotumira zvakare magirosari kumusha kuna amai vemukadzi waari kugara naye ini nevana tichitambura.”
Nyamanga paakabvunzwa nedare mari yaanotambira, akatadza kutsanangura ndokutaura shomanana kusvika anzi aburitse gwaro remari yaanotambira ndokuwanikwa mari yacho yakawanda kupfuura yaakataura.
Mutongi Ayanda Dhlamini vakati abvise US$60 pamwedzi yekuchengeta vana vake pamwe chete neyechikoro iyo anofanirwa kubhadhara kuzvikoro kwavanodzidza.