Arumwa negarwe achitiza nzou

03 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Arumwa negarwe achitiza nzou VaWinders Sianene vari muchipatara

Kwayedza

Rutendo Nyeve

UKU ndiko kunonzi kusvetuka kubva mupoto uchiwira murimi remoto.

Chirevo ichi chinonyatsotsanangudza tsekwende yakasangana nemurume wekuBinga uyo akapunyuka kufa achitsikwa-tsikwa, asi ndokuzodimburwa ruwoko negumbo mushure mekubatwa negarwe apo aitiza nzou yaimutandanisa.

VaWinders Sianene (34) vakarumwa negarwe vachitiza nzou iyo yaivadzingirira.

Vanonzi vakaona nzou yakazovatandanisa apo vaienda kurwizi rwaMlibizi kunoredza hove.

VaFanikiso Mkombwe, avo vanova mukoma waVaSianene, vanotsinhira nyaya iyi.

“Winders aienda kurwizi rwaMlibizi paakaona nzou ichiuya kwaari. Ndipo paakafunga kutiza ndokusvetukira nemurwizi achiti ayambuke mhiri. Sezvineiwo, akabva arumwa negarwe.

“Ainge anoredza hove kurwizi rwaMlibizi. Akaendeswa kuchipatara cheMpilo uko akadimburwa gumbo neruwoko,” vanodaro VaMkombwe.

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanotsinhirawo nyaya iyi uye ndokuyambira veruzhinji kuti vangwarire upenyu hwavo kubva kuzvikara zvemumvura kana vari pedyo nenzizi kana madhamu.

“Inyaya inosuwisa kuti mumwe mugari wekuBinga akaremadzwa mushure mekurumwa negarwe. Tiri kukurudzira vanhu kuti vachenjerere upenyu hwavo kubva kuzvikara zvemumvura izvi. Vanhu ngavasiyane nekuredza hove munzizi nekuti munogona kunge makazara makarwe,” vanodaro VaFarawo.

Zvichakadaro, nyanduri wekuVictoria Falls, Obert Dube akapa VaSianene wiricheya kuburikidza nechirongwa chake chekupa mawiricheya.

Obert Dube

Kusawirirana kwevanhu nemhuka dzesango kuri kuwanda zvichikonzera kukuvara uye kufa kwevanhu kumativi ose enyika.

Share This:

Sponsored Links