Asungirwa aine mutoriro unokosha $300m

30 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
Asungirwa aine mutoriro unokosha $300m Davidson Gomo

Kwayedza

Nyore Madzianike naFreeman Razemba

MURUME anofungidzirwa kuti anotengesa zvinodhaka nezuro akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuzama kubuda kunze kwenyika aine 21 kgs yecrystal meth – iyo inozivikanwa nekuti mutoriro – inokosha $297 130 000 yakavigwa mumidziyo yesimbi (metal pulleys) yaaive nayo panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport, muHarare.

Davidson Gomo (27) akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekuwanikwa aine mutoriro mushure mekunge abatwa neMuvhuro panhandare yendege iyi achienda kuManila, kuPhilippine.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi paakamiswa pamberi pemutongi Mai Vongai Guwuriro, avo vakati adzoke kudare nemusi wa27 Kubvumbi apo anenge ari muhusungwa.

Nemusi wa27 Kurume, matikitivha akanyeverwa kuti Gomo aive nezvinodhaka zvaaida kuendesa kuManila, kuPhillipines izvo zvakaita kuti vaende kunzvimbo yeAviation Ground Services panhandare yendege vachiferefeta nyaya iyi.

Vachisvika, vakasangana nemunyeveri, Yusuf Tariki, uyo akazovapa pasuru yaive mumidziyo yemasimbi makumi maviri nematatu aive mumakadhibhokisi matatu.

Matikitivha akaongorora midziyo iyi achibva aona kuti pane mukana wekuti maive nezvimwe zvinhu.

Akabva atora mumwe wemidziyo iyi akavhura achishandisa grinder paAviation Maintenance Workshop vakaona muine tumapakiti twemutoriro ndokubva vatora zvinhu izvi zvose.

Midziyo iyi yakaendeswa pakamba yemapurisa yeZRP Robert Gabriel Mugabe International Airport uko yakaongororwa ndokuonekwa kuti yaive nemutoriro.

Nomusi wa28 Kurume, mimwe midziyo yesimbi iyi makumi maviri nemiviri yakavhurwa pachishandiswa grinder zvakare paZRP Mukushi Depot Construction Unit apo Gomo aivepo.

Zvakaonekwa kuti midziyo 21 yaive netumapakiti 20 713 twemutoriro apo mumwe chete wacho waive nekg imwe yecocaine.

Kuwanikwa kwezvinodhaka izvi kunhandare yendegi iyi kunotevera kusungwa kwaitwa vanhu vanodarika 4 300 munyika yose pasi pechirongwa chemapurisa chekurwisa kutengeswa nekutorwa kwezvinodhaka.

Share This:

Sponsored Links