Baba vaibhinyira mwana (13) mari

21 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Baba vaibhinyira mwana (13) mari Dare

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

MURUME wekwaMutare ane makore 33 ekuberekwa ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo kakawanda mwanasikana wake ane makore 13 kubva gore radarika kusvika munaChikumi wegore rino.

Murume uyu (zita tinaro) akamiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrate Court, Mai Pathekhile Msipa, uye ndokunzi adzoke kudare nemusi wa2 Zvita apo anenge ari muchitokisi.

Ari kutongerwa mhosva yekubata chibharo sekutsanangurwa kwazvinoitwa pasi peSection 65 (1) yeCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Ari kuramba mhosva iyi.

Muchuchusi Mai Nomathemba Sayi vanoti kubva muna2021 zuva risingazivikanwe kusvika munaChikumi gore rino, murume uyu anonzi akabata chibharo mwana wake ari kuita Form 1 kakawanda kumba kwavo kuDangamvura uye nekunzvimbo dzakasiyana kwaMutare.

Dare rakaudzwa kuti pazuva rekutanga, murume uyu akauya ndokupa mhuri yake chinwiwa chainge chakaiswa zvinhu mukati apo mwanasikana wake akanwa pamwe chete nemudzimai wake nemwana mukomana.

Mushure memaminitsi mashoma, vose vakanwa chinwiwa ichi vakatanga kunzwa dzungu ndokubva varutsa.

Mumhan’ari anoti pachiitiko chekutanga, baba vake vakatakura hanzvadzi yake ndokunomuisa mumotokari yaive iri pamba pavo apo iye aive aenda kuimba yekurara achiramba achingorutsa.

“Murume uyu anonzi akatevera mwanasikana wake kuimba yekurara ndokumutakura achinyepera kunge anoda kuona kuti ari kunzwa sei. Anonzi akabva amubata chibharo uye akaramba achienderera mberi nekugara achimushungurudza pabonde,” vanodaro Mai Sayi.

Vanoti murume uyu anonzi ainyima mwanasikana wake mari yebhazi pakuenda nekudzoka kuchikoro izvo zvaizoita kuti aende kuhofisi yake uko aimubata chibharo zvakare.

“Dzimwe dzenguva, murume uyu anonzi aitora mwana wake oenda naye kuchisango chiri pedyo neDangamvura uko ainomubata.

“Musi wa4 Chikumi 2022, musikana uyu akaenda kubasa kwababa vake achida faira rekushandisa kuchikoro.

Pane kuti vaende kunotenga faira riye, baba vake vanonzi vakatyaira motokari kuenda naye kusango riri pedyo uko vakanomubata chibharo,” vanodaro Mai Sayi.

Musikana uyu anonzi akazotaurira amai vake nyaya yekubatwa chibharo iyi.

Amai vake vakabva vamutora ndokuenda naye kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi.

Musikana uyu akavhenekwa nemachiremba akaonekwa kuti akabatwa chibharo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>