Baba vevana 15 vokwangwaya

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Baba vevana 15 vokwangwaya

Kwayedza

Garnet Zvimba
MUZVINHABHIZIMISI wekuita vana 15, uyo akaendeswa kumatare nenyaya yekusachengeta vana, akachema-chema achiti zvinhu hazvisi kumufambira zvakanaka sezvo ari kukwangwaya nekuda kwemhuri huru iyo yave kumuremera.

Nesbert Chidangwara akamhan’arirwa kuHarare Civil Court naElizabeth Chiradza uyo anoda $360 yekuchengeta mwana mumwe chete.

“Ini ndatambudzika nemwana apa baba vacho vasina kana chavari kundipa. Zvinorwadza kuti murume uyu anobata mari inosvika $1 000 nekuda kwezvaanoita zvekutengesa zvinhu zvenhare asi haana kana chaari kuita pamwana wake.

“Pamusoro pazvo, ane rori neimba izvo zvinomupa imwe mari. Zvekuti ane rori haangambozvirambi nekuti ndinotoziva rori racho,” akadaro Chiradza.

Achipawo divi rake, Chidangwara, uyo akanga akamiririrwa negweta rake, akati nhamo yamutamba tsvina.

Gweta iri rakati bhizimusi raChidangwara rekutengesa zvinhu zvenhare harisi kufamba zvakanaka nekuda kwekuti vanhu vazhinji vave kushandisa nharembozha.

“Pavana vose ava, 11 vacho vanoenda kuchikoro uye ndiye anovabhadharira mari yacho,” rakadaro gweta.

Gwete iri rakati Chidangwara anokwanisa kupa Chiradza $20 pamwedzi pamwe nemari yechikoro $60 petemu yoga-yoga.

Mutongi Ruth Kamangira akati Chidangwara abvise $60 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey