Babamudiki vonzwira maiguru shuga

16 Feb, 2024 - 17:02 0 Views
Babamudiki vonzwira maiguru shuga Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti akarohwa nemubhadha nemurume wake mushure mekunge mukadzi amubvunza nezvetsamba yaive yakandwa pachivanze chepamba pavo iine mashoko aiti ari kudanana naamaiguru mukadzi wemukoma wake.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Media Hwiza akamhan’arira Paradza Takawira achida gwaro redziviriro.

“Mumwe musi takangoona pamba pakandwa tsamba yakanyorwa kuti ndingwarire nekuti murume wangu ari kudanana namaiguru vake. Matakishopu edu akabatana saka tsamba iyi yaiti pavanovhara, vanobva vabuda vose vachienda kwavanoenda nekudaro pandakabvunzawo baba, vakaita hasha vakandirova,” anodaro Hwiza.

“Takazoshevedzawo hama kuti itibatsire, ndipo baba vakatora mubhadha kuti vandiponde ndokuzobatwa nemukoma wavo vanove babamukuru vandiri kutaura kuti mukadzi wavo ari kudanana nemurume wangu.”

Achipawo divi rake, Takawira anoti haana dambudziko kuti mudzimai wake apihwe gwaro redziviriro asi nyaya iyi ndeyekunyepa.

“Handidanani namaiguru asi kuti patinotengesera mashopu edu akabatana chidziro uye magonhi ari kwawo oga saka patinopedza basa tinobva tangobuda tose kuenda kumba nekuti hunenge hwava husiku,” anodaro Takawira.

Mutongi Johanna Mukwesha vapa Hwiza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links