Basa remadimikira

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZVATABVA mukuita zvirahwe ngatichimbotandarai nemadimikira. Kana tichidimikira tiri kutaura kana kutsanangudza chinhu zvakavanzika asi zviine hudzamu. Madimikira aripo kutsiura nekuraira vanhu. Kudimikira ndiyo imwe nzira yaishandiswa navakuru kurovera masoro kunyanya kuvana vanenge vavekubva zera.

Vana vanenge vachidzidziswa mabasa akasiyana-siyana nokudaro vanodawo kurumbidzwa pavanenge vagona. Kana akaita basa nemazvo vakuru vanomuti watswanya bete nehura hwaro. Kana kutsanangudza chiitiko zvinonzi wabaya dede nemukanwa maro.

Kana pakaita damubudziko rinoshaisa vanhu kusununguka kana kufara panogona kupedzesera porwiwa kana kubayana. Kana paoma kudai munhu wose vanhu vanotsvaga kutiza neupenyu hwavo nokudaro vamwe vanozongotiza vasisazivi nechinhu chose. Ndipo panonzi kutiza wakabata mhapa noruboshwe.

Kana pasi parohwa nenyundo zvoreva izvo kuti zvinhu zvapfavira vanhu zvekuti vanogona kuita zvavanoda pamadiro pasina anovakanganisa kana kuvafurufusha. Kana zvinhu zvambenge zvakaoma kana kuti zvisingaitwi zvinenge zvoitwa pamadiro.

Kana iri nguva yekuitwa kwemitambo, chikuru chinokosheswa kudya. Saka pakaitwa mutambo mukuru wekuti vanhu vose vanodya kusvika vorasa zvinodimikirwa zvichinzi nhasi makorashiri. Kana netsimbe dzinogutawo musi wemakora shiri.

Kune vanhu tsvuuramuromo vanotambudza vanhu nekuita kwavo kusakafanira. Vanenge vachinyinda nohundini hwavo nekuzviita nhinhi dzisingadzokere shure. Panozoita vamwe vane hutsanzi hwekupfavisi kana kukona iyoyo nyasire iyo. Kana nyasire yazokonwa inopfava uye ndipo unonzwa vakuru vachiti wanyn’atisa munhu. Zvoreva kuti haachasumudzi musoro zvekare.

Kana wazvitenhera mukanwa meshumba wazvipinza murushavashava. Unenge wabuda mudambudziko diki uchipinda mudambudziko rakakurisa. Wazvitenhera mukanwa meshumba unenge wapinda mavaRupapatyuro zvekuti itsvatsva kubudamo.

Panogona kuitika tsaona zvekuti panofa vanhu vakawanda, kunyanya vanoremekedzwa sevatungamiriri venyika kana vemakereke. Zvinobva zvaonekwa sekuti nyika yarasikirwa zvikukutu nokudaro panozodimikirwa pachinzi pakaputsika dende rine mukaka.

Kana wava hari yofanzirofa unenge wava mutana achembera zvekuti unenge usisina tarisiro yekuramba uchirarama. Unenge woda kuzorora hako nekutorwa nedenga. Pazera iri vamwe vanenge vodzirwa misana nendove.

Kune vamwe vanhu vasingadi kukundwa nechinhu vasati vachiita. Vamwe vanosvika pakuda kumanikidza kuti chinhu chiduku chifumuke icho chisingakodzeri. Vanoda kumanikidzira kuti chinhu chisingashamisiri chishamisire asi magumo acho zvinoramba kana kuti zvinoita nepamwe. Kuedza kuita izvozvo ndiko kunozonzi kutatamutsa chitoo nembambo.

Chamuka inyama kufarira chose chawanikwa kana chauiwa nacho zvisinei kuti chakanaka here kana kwete.

Vamwewo vanhu ndivo vanovaka matanga pasina mombe. Ndivo vaya vanofanozuwa kana kudada nekutunhidza zvinhu zvavasati vawana kana kuona. Dzimwe nguva unozotadza kuwana zvinhu izvozvo.

Share This:

Sponsored Links