Batsirai Todanashe

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Batsirai Todanashe

Kwayedza

CHIKWATA chevechidiki vari kusimukira mumusambo wechitendero cheTodanashe chekuMhondoro-Ngezi chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa mhanzi yacho pamwe nekuisa pamaCD nekugadzira mavhidhiyo.

Chakaumbwa nevakomana vanonamata Methodist Church in Zimbabwe nechinangwa chekuparidza shoko raMwari kuburikidza nekuimba nziyo.

Muhurukuro neKwayedza, imwe nhengo yechikwata ichi, Biggie Chikoore, anoti kubva pakavatanga muna 2012 vari kuedza kutsvaga mari yekutsikisa nziyo dzavo asi masango matema.

“Nyaya yemari ndiro dambudziko guru parizvino. Nziyo tinadzo dzakawanda dzekuti titsikise asi tiri kushaya vangatibatsirawo nemari. Parizvino tine nziyo gumi dzatinadzo dzatinomboimba pazviitiko zvakasiyana sepatinomboungana kuchechi asi dzose hadzisati dzatsikiswa. Hatina mishina nezvimwe zvinodiwa zvakakwana kuti tikwanise kuisa nziyo dzedu pamaCD ekuti dzigoteererwa nemunhu wose,” anodaro Chikoore.

Anoti chikwata chavo chine dzimwe nhengo dzinova vana vachikoro.

“Donzvo redu ndere kukurudzira vechidiki kuti vakure vachiziva Mwari pamwe chete nevakuru zvakare kuti vagare vari pana Mwari. Nekuda kweizvi, rubatsiro rwatiri kuda tinorutambira chero kubva kunaani zvake anokwanisa. Kuumba kwatakaita chikwata chedu tinoda kuti uve mucherechedzo wekuti vanhu vari kumaruwa havafaniri kugarira mawoko, vanofanira kuona zvekuita kuti hupenyu hwavo huendeke zvakanaka. Nziyo dzedu tinoimba dzechitenhdero asi tichishandisa zviridzwa zvechivanhu zvakaita sehosho, ngoma netamborine. Tinoshuvirawo kuti dai tawana marimba anoita zvakare asi parizvino hatina uye parubatsiro rwatiri kutsvaga tinoti dai tawana mari takwanisa kumatenga zvaitifambira zvakanaka,” anodaro.

Mashoko ake akatsinhirwa nemunyori wechikwata ichi, Leon Chagwedera, achiti vane chishuwo chekuti vawane rutsigirwo kuitira kuti vakwanise kuita mashoo.

“Dai takwanisa kuwana vakotsveri vanotibatsira kuti tibudise dambarefu redu rekutanga nekuti nziyo dzose dzatovapo dzangosara kuwedzerwa zvidobi-dobi zvekuti tikangowana mari hazvititoreri nguva kuti ribude. Tiri kuzama nepatinogona napo kuti shoko raMwari rinzikwe nyika dzose asi kushaikwa kwemari ndiko kuri kutidzosera kumashure. Kusazivikanwa neveruzhinji kuri kuitawo kuti tisakurumidze kuwana rubatsiro zvekuti dai taimbowanawo mukana wekunzwikwa nziyo dzedu neveruzhinji kupfurikidza nekuimba pakaungana vanhu zvaitibatsira. Muchikwata chedu mune vamwe vachiri kuchikoro saka nzira dzekuwana mari dzichiri kunetsa asi zvipo zvekuimba tinazvo chaizvo,” anodaro.

Chikwata cheTonadashe chinoimba nziyo nemitauro yakasiyana inosanganisira Shona, Ndebele neChiRungu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>