‘Bhadhara, uri shefu iwe’

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekuendeswa kudare neaimbova chido chemoyo wake akazoramba kuti ndiye baba vemwana wake pamberi pedare.

Margaret Mushava akamhan’arira Vhulileni Chiguno kuHarare Civil Court achida $650 yekuriritira mwana ane mwedzi mumwe chete wekuberekwa.

“Changamire, baba ava vari kuramba kundipa $650 chete yekuchengeta mwana wavo asi ivo vari managing director kuGlen Forest uye ndi’horticulture consultant’ zvichireva kuti pavavari ndipo pamuzinda wemari. Handinyatsoziva hangu kuti vanotambira mari yakawanda zvakadii asi mukudanana kwatakaita kwemakore mana ndakaziva zvizhinji pamusoro pemararamiro avo nekundichengeta kwavaindiita. Ndiko kusaka ndareva mari iyoyi nekuti ndinoziva kuti havangamboishaye,” akadaro Mushava.

“Ndingangoite sekunge ndiri kuda mari yavo, ndinotoshandawo kabasa kangu kandinotambira $300 asi handingazvarire munhu mwana, ndomuchengetazve ivo baba vacho vari vapenyu. Mwana wake ane mwedzi nemavhiki maviri ekuberekwa naizvozvo anoda anomuchengeta pandinenge ndiri kubasa, rendi yepandinogara, chikafu nezvimwe. Iye sababa vemwana ngaamire-mire.”

Chiguno akapokana naMushava achiti mari yaaida yakawandisa, mwana uyu haasi wake uye ane vamwe vana vana nemumwe mukadzi.

Akati ane fungidziro zvakare yekuti mwana uyu haazi wake. “Ndinodaro nekuti amai ivava vane zvavaizomboita zvandainge ndisinganzwisise pandainge ndisipo saka vanenge vakandipomera mwana wemumwe murume. Anoda kundipomera mwana nekuti vamwe varume vese vakaramba ichiri nhumbu, zvino akanyangira yaona,” akadaro Chiguno.

“Pa$650 iri kudiwa naamai ava, ndinongokwanisa $60 chete nekuti mwana wandiri kunzi ndichengete iyeyu ane mwedzi mumwe chete nemavhiki maviri ekuberekwa naizvozvo haatodi zvinhu zvizhinji. Mukadzi uyu anongoda mari chete kubva kwandiri, iye ndimaneja wekuMinerals Marketing Cooperation asi anoda mazimari ese iwayo iye achitambira mari svinu,” akadaro Chiguno.

“Pamusoro pezvo, ndine vana vana uye ndine mukadzi wandiri kugara naye vose vanova vakamirira kuchengetwa neni. Hazvikwanisike kuti ndipe amai ava mari yavari kuda nekuti ndinotambira $170 pamwedzi saka kuwana mari kwandiri ngavatombokanganwa.” Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Chiguno aizobhadhara $130 sezvo mwana uyu achiri mudiki uye ibasa ravo vari vaviri kuriritira mwana wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>