Bhadharai mvura yamunoshandisa: Zinwa

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Bhadharai mvura  yamunoshandisa: Zinwa

Kwayedza

KAMBANI yeZimbabwe National Water Authority (Zinwa) inoti zvakakosha kuti varimi vanyorese mvura yavanoshandisa yakaita seyemumadhamu, munzizi kana zvibhorani pamwe nekuti vakwanise kuibhadhara.

Mutauriri wekambani iyi, VaTsungirirayi Shoriwa, vanoti kune varimi vakawanda vanongoshandisa mvura yavasingabhadhare izvo zvinokanganisa nyaya yekushandiswa kwemvura munyika.

“Tine mvura yakawanda zvikuru inosanganisira yemunzizi nemumadhamu uyewo nemuzvibhorani. Pane zvinoitwa kuti varimi vakwanise kushandisa mvura iyi zvisina dambudziko zviine magwaro anobva kwatiri seZinwa,” vakadaro VaShoriwa.

Vanoti mvura inofanirwa kushandiswa zviri pamutemo uye kunyoresa kwevarimi uku kunoita kuti Zinwa izive huwandu hwemvura inofanirwa kushandiswa munyika pamwe nekuti inokwanirana here kana kushomeka nezvainenge ichida kushandiswa.

“Tinopa matsamba ekushandisa mvura ingava yemunzizi, mumadhamu kana kuchera zvibhorani chaiko. Varimi vanofanirwa kuuya kumahofisi edu vowaniswa magwaro ekushandisa mvura iyi. Mvura yedu haidhure mutengo wayo sezvo inongoita US$9,50 pamarita miriyoni inova yemudhamu uyewo kutora mvura murwizi murimi anobhadharawo US$2,06 pamarita miriyoni zvakare,” vakadaro.

Vanoti kune minda yekudiridzira yakawanda zvikuru munyika, kungava kumapurazi kana kune varimi vakagariswa patsva nekumaruwa, izvo zvinoda kuti mvura iyi ishandiswe paitwa chibvumirano neZinwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>