Bhuku idzva renhetembo

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANANYANDURI vanosvika 16 vakabatana mukunyora bhuku renhetembo rinonzi Dzinonyandura-Svinga, iro riri pamusoro petsika nemagariro evanhu vatema nedonzvo rekusimudzira mutauro weShona.

Vachitaura pakuparurwa kwaro nguva pfupi yadarika muguta reHarare, VaRabison Shumba, avo vanova co-ordinator wechikwata ichi, vanoti vakaita mushandirapamwe wekunyora bhuku iri semucherechedzo wekukosha kwerurimi rwaamai.

“Bhuku iri rakanyorwa navananyanduri 16 avo vanosanganisira Tinashe Muchuri, Catherine Mapanda, Sharon Ngomani, Rutendo Tapiwa, Proceed Manatsa, Idzai Iris pamwe neni,” vanodaro VaShumba.

Vanoti nhetembo idzi dziri pamusoro petsika nemagariro emuAfrica pamwe nemararamiro evanhu vatema.

“Dzimwe nhetembo idzi dzinosanganisira dzinoti Ndoenda Hangu, Pindirai neZiva Siyano. Donzvo rekuburitsa bhuku rine nhetembo dzananyanduri vakasiyana ndere kusimudzira rurimi rwaamai.

“Nhetembo idzi zvakare dzinokurudzira vana vechikoro kuti vafarire chidzidzo cheShona nekunyorwa kwemabhuku acho,” vanodaro VaShumba.

Mupepeti webhuku iri ndiMuchuri, uyo anove munyori zvakare. Anoti rakadomwa neveNational Arts Merit Awards serimwe remabhuku epamusoro-soro mugore rino ra2016. Rakatenderwa kunge richidzidzwa muzvikoro padanho reA-Level.

Anoti vanyori vanofanirwa kuita mushandirapamwe mukusimudzira mitauro yeZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links