Kwayedza
MUSIKA mukuru unotengesa fodya munyika muno weBoka Tobacco Floors (BTF) svondo rakapera wakayeuka varimi makumi maviri vanova shirikadzi nevamwewo vechirume vakwegura nekuvabatsira nezvekurimisa zvakasiyana pachena.
Varimi ava vakagashidzwa zvekurimisa zvinosanganisira fetereza, pombi dzekufiritisa, mishonga nemabhero ekuputira fodya panguva imwe chete yaiitwa mutambo weMabhero Jahwi Mega Bales apo varimi vanotengesa fodya kukambani iyi vanopihwa mibayiro yakatsaukana.
Vamwe vevarimi vakabatsirwa nezvekurimisa pachena vanobva kunzvimbo dzinoti Mhondoro, Macheke, Marondera, Mhangura neMuzarabani.
Chamangwiza weBTF, Muzvare Rudo Boka, vanoti chinangwa chavo ndechekusimudzira basa revarimi.
“SeBoka tazviona zvakakodzera kuti tiwanise zvekurimisa kumadzimai akashaikirwa nevarume uyewo nanasekuru kuti vanorima vakasununguka.
Izvi zvinorakidza kuti isu tine zvido zvevarimi vedu pamwoyo nemhuri dzavo dzose,” vakadaro Muzvare Boka.
Varimi vakawaniswa zvekurimisa pachena vakarumbidza kambani yeBTF nekuvasimudzira kwairi kuita.
VaSolomon Munjanja vanoti vakafadzwa zvikuru nekuwaniswa chipo chefetereza nemabhero ekuisira
fodya.
Zvakadai, murimi akawana mubairo wekutanga mumakwikwi eMabhero Jahwi Mega Bales Promotion, ayo anoitwa nemusi weChitatu woga-woga wekupera kwemwedzi, ndiVaChristopher Mombo (30) vekuBeatrice avo vakaenda kumusha nemari inosvika US$5 000.
Mukuru anoona nezvekutengeserana kuBTF, Mai Chido Nyakudya, vanoti makwikwi aya acharamba
ariko kusvika panopera mwaka wekutengeswa kwefodya.