Boka yosimudzira varimi

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Boka yosimudzira varimi MUZVARE Rudo Boka (vari pakati vane denderedzwa pachipfuva) vaine varimi vakahwinha mibairo yakasiyana pamwe nevamwe vashandi veBoka Tobacco Floors svondo rapera.

Kwayedza

MUSIKA mukuru unotengesa fodya munyika muno weBoka Tobacco Floors (BTF) svondo rakapera wakayeuka varimi makumi maviri vanova shirikadzi nevamwewo vechirume vakwegura nekuvabatsira nezvekurimisa zvakasiyana pachena.

Varimi ava vakagashidzwa zvekurimisa zvinosanganisira fetereza, pombi dzekufiritisa, mishonga nemabhero ekuputira fodya panguva imwe chete yaiitwa mutambo weMabhero Jahwi Mega Bales apo varimi vanotengesa fodya kukambani iyi vanopihwa mibayiro yakatsaukana.

Vamwe vevarimi vakabatsirwa nezvekurimisa pachena vanobva kunzvimbo dzinoti Mhondoro, Macheke, Marondera, Mhangura neMuzarabani.

Chamangwiza weBTF, Muzvare Rudo Boka, vanoti chinangwa chavo ndechekusimudzira basa revarimi.

“SeBoka tazviona zvakakodzera kuti tiwanise zvekurimisa kumadzimai akashaikirwa nevarume uyewo nanasekuru kuti vanorima vakasununguka.

Izvi zvinorakidza kuti isu tine zvido zvevarimi vedu pamwoyo nemhuri dzavo dzose,” vakadaro Muzvare Boka.

Varimi vakawaniswa zvekurimisa pachena vakarumbidza kambani yeBTF nekuvasimudzira kwairi kuita.

VaSolomon Munjanja vanoti vakafadzwa zvikuru nekuwaniswa chipo chefetereza nemabhero ekuisira

fodya.

Zvakadai, murimi akawana mubairo wekutanga mumakwikwi eMabhero Jahwi Mega Bales Promotion, ayo anoitwa nemusi weChitatu woga-woga wekupera kwemwedzi, ndiVaChristopher Mombo (30) vekuBeatrice avo vakaenda kumusha nemari inosvika US$5 000.

Mukuru anoona nezvekutengeserana kuBTF, Mai Chido Nyakudya, vanoti makwikwi aya acharamba

ariko kusvika panopera mwaka wekutengeswa kwefodya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>