bumbiro idzva redzidzo – Pfungwa dzakatakura hwaro hwebumbiro idzva redzidzo 1

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naChiremba

ZVAKAKOSHA kuziva pfungwa huru dzinosunda kudzumbunurwa kwebumbiro idzva redzidzo.

Bumbiro idzva rakagukuchira zvizhinji izvo vanhu vakuru vemuZimbabwe vanoshuwira kuti dai zvagamuchidzwa vadiki vedu kuitira kuti rudzi rwedu nenyika yedu zvigoenderera mberi zvakarurama. Mbuva yemusiiranwa nemutambidzanwa iyi inosanganisira zivo yepfungwa, ruzivo rwemabasa emaoko uye zivo yezvinhu zvinonzi nevanhu ndizvo chaizvo zvakanaka uye zvinofanirwa kuitwa muupenyu nemunhu wese.

Chimwe chinhu chitsva chakafanira kuitwa nedzidzo itsva kurodza unyanzvi uye njere dzevana pakudzidza kwavo uyewo kuvandudza zvinhu zvingafarirwe nevana pakudzidza kwavo.

Bumbiro idzva redzidzo rinopa mukana wekugadzirisa nekutseketudza zvinenge zvaonekwa kuti hazvina kunyatsa kuti guga guga nedonzo redzidzo iyi uye vavariro yenyika.

Chiiko chakasunda kuvepo kwedzidzo itsva iyi?

Pane zvinhu zvingani zvakasunda kuvepo kweurongwa hutsva hwedzidzo iyi. Chekutanga muono wakaitwa nevanogadzira mitemo yemafambisirwo edzidzo uye magodobori ezvedzidzo kuti vana veZimbabwe vaifanirwa kuwana dzidzo inovagadzirira zvakakwana kuti vatarisane vagokunda muupenyu hwemakore emazuva ano.

Nekune rimwe divi jekerere reZimbabwe rakaitawo muono mumwe chete: mhando yedzidzo yedu yakanga yasara shure asi upenyu hwevanhu hwava mberi mune zvakasiyana-siyana. Pakanga pave nefaniro yekuti dzidzo yedu ivandudzwe kuti iti kweche kweche nechokwadi chinoitika muupenyu, mumaindhasitiri edu uye mukutengeserana.

Pedzisire, dzidzo yedu yanga yasara shure kana ichienzaniswa nedzidzo zhinji pasi rino.

Dare raVaNziramasanga (CIET 1999) rakaona kuti dzidzo yeZimbabwe kubvira nguva yevaRungu yanga yakanangana nekungoti mwana angove neruzivo rushoma chete mumusoro make rwekuti angoshandire mumwe. Dzidzo itsva iyi inotora zvaive mune yekare, yowedzera zvizhinji uye yopa mudzidzi mukana wekudzidza kushandisa zvaadzidza muupenyu hwake nekuitawo tunhu twake.

Muchikamu chinotevera tichatarisa dzimwe pfungwa dzakatakura hwaro hwedzidzo itsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>