CALA inoda kutangwa izvozvi

24 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
CALA inoda kutangwa izvozvi Vana vechikoro

Kwayedza

Ticha Danga

REGAI titange nekuchingamidzana sezvo nguva yanga yareba tisiri kubatana nekuda kwechirwere chedzihwamupengo iro rakakonzera kuti zvirongwa zvizhinji, kusanganisira kudzidza chaiko, kumbomiswa.

Izvi zvakakonzera kuti vana vasawane nguva yakakwana yekudzidza asi vachizofanirwa kunyora bvunzo kupera kwegore.

Pamusoro pekuvharirwa zvikoro, kwakabva kwauyawo zibukanana rakavhundutsa vakawanda reCALA.

CALA yakaita kuti vana vasagara pasi vachitsvaga ruzivo pamadandemutande uye kubvunza kuna sorojena apo bvunzo raiswedera zuva nezuva.

Chakava chipatapata nhaka yamakonzo.

Zvisinei, bvunzo rakasvika rikanyorwa uye goho rezvakaburwa nevana rakauya musi wa10 Kukadzi.
Zvakabuda mugoho zvakaratidza kuti vana vakatatarika zvikuru kuChirungu nekune zvemitambo (VPA and English).

Ndakatofarawo zvikuru chaizvo kuti rwendo rwuno ChiShona chakagonekwa chose chero zvazvo huwandu hwevana vakaita zvibodzwa zvitanhatu hwakadzikira.

Paya pandaiti ngatirigamhe richibva Hwedza ndakanga ndichireva kuti ngatibvai tatotanga kupishinurana nezvidzidzo zvedu nguva ichiripo uye hatizivi kuti kumberi kwedu kuchamira sei.
Zvichida dzihwamupengo rinodzoka zvakare robva ratikanganisa kudzidza kwacho iro bvunzo rakatimirira.

Zvinoreva izvo kuti kana tisina kuzvipa nguva yakakwana yegadziriro, zvinhu zvedu zvinoshaya maturo.

Gore rino tinoda kuti tiedze kubata hwaro hwakakura hweChiShona chedu.
Tichabata zvirungamitauro zvakasiyana-siyana uyewo midziyo yekare neyanhasi. Mukufamba kwedu tichatarisawo mhuka nevana vadzo. Mukati imomo zvakare tinobatawo zverufu, zvewanano zvemitambo uye zvehukama.

Zvirahwe zvakambenge zvabviswa mubumbiro reChiShona asi zvadzoka zvekare.
Zvotoreva kuti basa redu rawedzera.

Potoda kuchama chaiko kuti zvinhu zvedu zvigofamba zvakanaka.
Mukuvhurwa kwaitwa zvikoro zvatobuda pachena kuti vana pfungwa chaidzo dzekudzidza kana kuenda kuzvikoro dzakabuda muvana vazhinji.

Chavanga vokoshesha kutamba kega zvekuti kana runyorwa rwacho rwava kutoda kutogadziriswa nekuti zvizhinji hazviverengeke.

Vamwe zvesvomho watova mutoro kwavari.
Iko kuswera chaiko kuchikoro zviri kutonetsa.

Zvava kuda kuti tirigamhe richabva Hwedza kuitira kuti bvunzo redu rizorereka. MaCALA aya anoda kutobatwa izvozvi nguva ichipo kuitira kuti tizowana nguva yekushandira bvunzo pasina zvipingaidzo.

Ngativei nenguva yakanaka muzvikoro matiri.

Share This:

Sponsored Links