CALA sechidzidzo chitsva

25 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
CALA sechidzidzo chitsva

Kwayedza

Ticha Danga

CHIDZIDZO chemaCALA muzvidzidzo chakauya chikatambirwa zvakasiyana-siyana. Kuvarairidzi wakava mutoro ukuwo kuvana vechikoro chikava chisionekwi mudzi webhwe. Kuzoti kuvabereki rakava gangaidzwa mukwenyi mhezi yavavira mumoyo.

Varairidzi vakaona sokunge vawanzirwa basa asi iro ranga ragara rakawanda nechekare. Vana vechikoro vachibva vatoona kunge vawedzerwa mukwende nekuti hurongwa hutsva hwedzidzo (new curriculum) hwakabvawo hwawedzera zvidzidzo zvinonyorwa kusvika kuzvitanhatu kubva muzvishanu. Kukura kwekotoro (term) hakuna kuwedzera chero gore racho harina kuwedzera asi kuti rakaramba riine mwedzi gumi nemiviri.

Chakawedzera ibasa. Kuvabereki uko vaisatoziva kuti maCALA imhuka rudzii zvekutosvika kuti vamwe vaitofunga zveruvara.

Chikamu chino regai tirudunure dahunha reCALA ribude pachena kumunhu wese, uye rijeke pachena rigoregera kuva ronda muvanhu.

Chekutanga tinofanirwa kuziva kuti chii chinombonzi CALA. CALA mudimurirwa wemazwi achimiririrwa nemavara (abbreviation). Zvinoreva izvo kuti Continuous Assessment Learning Area.

Tose tava kuziva kuti vana vava kunyora zvidzidzo zvitanhatu pagwaro rechinomwe. Zvoreva izvo kuti tinoitawo maCALA matanhatu tichitangira mugwaro rechitanhatu dzamara mugwaro rechinomwe panonyorwa bvunzo. Chidzidzo chimwe nechimwe chine CALA racho.

MaCALA aya ndiwo achabata zvikamu makumi matatu kubva muzana zvebvunzo(30%). lzvo zvakaitwa mushure mekuonekwa nebazi refundo kuti vana vanogona kunetseka nebvunzo zvichibva mukuvhunduka uye kusatogona kupindura mibvunzo vobva vatokundikana zvachose.

CALA rinopa mwana mukana wekudzidza asina kumbunyikidzwa uye chero asingagoni kunyora anoumbawozve kana kudhirowa zvekuti haazowanawo zero pabvunzo kusvika pakunhonga (9) unitsi muchidzidzo.

Mwana anopiwa mukana wekuita tsvagurudzo oga achibatsirwa nanasorojena, magwaro, zvivhitivhiti kana madandemutande. Zvinobva zvaita kuti mwana afarire kudzidza.

Panozonouya bvunzo, mwana anetenge atove nechouviri mubvunzo rake zvekuti haazonyanyorasike pagoho rake.

Chaita kuti titaure nyaya yemaCALA ndechekuti vanhu vari mubishi rekuita maCALA naizvozvo tinoda kuti tirerutsirane pamutoro uyu nekuti muzvikamu zvinotevera tava kutotarisa mhando dzemaCALA dzacho tichisevenzesa ruzivo rwezvakaitwa gore rapfuura.

Tinoda kupa nzvimbo dzekuti vanhu vagotarisa zvichienderana neCALA ravakapiwa nevadzidzisi vavo. Ngatizivei kuti sezvo maCALA achibva muvadzidzisi vakasiyana, naiwowo anosiyana. Ngatiendererei mberi nawomaCALA muzvikamu zvinotevera.

Share This:

Sponsored Links