Champions Insurance yoshanda nezvikoro

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

KAMBANI yeChampions Insurance yakatanga chirongwa chekushanda nezvikoro mukubatsira vana vanenge vawirwa netsaona vari pachikoro pamwe nekubhadharira avo vakarasikirwa nevabereki mari dzechikoro.
Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitirwa paBlakistone Primary School, muHarare, apo vamiriri vekambani iyi vakaita musangano nevakuru vezvikoro zvakasiyana.

VaJohn Chawira veChampions Insurance vakati ikodzero yemwana wose kuti ange akachengetedzwa nguva dzose kubva mutsaona ipi zvayo ingamutadzisa kudzidza zvakanaka.

“Chinangwa chedu chikuru pakubatana nezvikoro ndechekuti zvikoro zvive nehushamwari hwakadzama nevana. Panofanira kuva nehukama hwakasimba pakati pemwana nechikoro kuburikidza nekuchengetedzwa kwake kubva mutsaona kana mamwe matambudziko aangangosangana nawo pachikoro.

“Kambani yedu inoda kupindira pahukama uhu nekuparura zvirongwa zvekuti zvikoro zvigare zviine homwe dzakamirira kubatsira vana vechikoro kana vawirwa nematambudziko akafanana nekurwara, kuita tsaona vakatakurwa nemabhazi kana michovha yepachikoro chavo.

“Hatigumiri pavana vechikoro chete asi kuti chero nezvivakwa zvepachikoro zvinogona kuiswawo pahomwe yekuchengetedza iyi kuitira kuti chero chikoro chikatsva nemoto kana kudonha mudhuri panokwanisa kuwanikwa nzira dzekuchivakisa patsva,” vakadaro VaChawira.

Vakati pasi pechirongwa ichi, vana vanenge vashaikirwa nevabereki vavo vanokwanisawo kuenderera mberi nedzidzo apo vanenge vachibhadharirwa mari yechikoro.

“Takatarisirawo kusimudzira matarenda evana vechikoro munyaya dzemitambo, kusanganisira nhabvu apo tichange tichipa mikombe kune vanenge vahwinha,” vakadaro.

VaChawira vakati kambani yavo yakabatanawo nemamwe makambani mukuvandudza makwikwi eHarare Metropolitan Provincial Merit awards.

“Gore rinotevera takatarisira kushanda zvizere nemamwe makambani muchirongwa chezvikoro chemamerit awards anoitwa gore rega-rega. Gore rino takatopinda tikapa chikoro cheGreystone Park Primary mubairo (webest well maintained school),” vakadaro.

Mukuru wechikoro cheGreystone Park Primary, Mai Eve Nyatsambo, vakatenda kambani iyi nekuuya nechirongwa ichi.

“Ini ndakafara zvikuru pakuti chikoro chedu chakatora mukombe wecheno naizvozvo ndinogamuchira zvakare chirongwa chiri kuuya ichi, chekuchengetedzwa kwevana vechikoro, sezvo kuzvikoro kuchiitika zvakawanda izvo zvinoita kuti vana vapedzisire vawirwa netsaona. Kana kuine homwe dzakaita seyeChampions Insurance idzi zvinobatsira kuti zvinhu zvigadziriswe chimbi-chimbi,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>