‘Chengeta vana vako, kwete mubvandiripo’

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUMWE mupurisa akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda kuti mari yaari kubvisa yemendenenzi idzikiswe sezvo ave kugara kunzvimbo inodhura yeAvenues, muguta reHarare, uye ari kuchengeta mwana nemukadzi mutsva waave naye.

Tapiwa Mahara akaendesa Hazvinei Mahara kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe.

“Dai dare randibatsirawo nekudzikisa mari kubva pa$240 kusvika pa$210. Pandaibhadhara mari iyi ndakanga ndisati ndava nemumwe mukadzi kubva zvatakasiyana nemudzimai uyu asi pari zvino ndava nemhuri yekuriritira,” akadaro Tapiwa.

Akati mukadzi waakawana ane mumwe mwana wake waari kuriritirawo zvakare.

Mutongi Audrey Tarugarira akati vaviri ava vadzoke zvakare kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>