Kwayedza
naOscar Gwiriri
Uchipesana nedzimwe, vatyairi vachipesana newe;Unenge uchikwenya, gumbo kumafuta;
Vachishaya kuti wakadzidza chekupi chikoro.
Manhenda kuwana anokunyeurira,
Manhendazve kunzwa zvawanyeurirwa,
Ko handiti unenge uchiziva zvauri kuita?
Ko watanga nhasi here kuva mumugwagwa?
Makore mangani uri mumugwagwa?
Asi chemusi uyu kana chakubata
Usina kuzorora, apa hope dzichikubata;
Uchiti regai ndisesekedze kundozorora kamwe,
Dzinokusveverera chiverevere, newe newe;
Mugwagwa wotanga kuuonera nechekure uko-o,
Uchidupika zvishoma nezvishoma,
Kusvikira musiwo wemboni dhwa dhwa dhwa-a.
Hezvo, wochityaira zvako mumweya, kutsi kwehope.
Unokwenya kwechinhambwe uri murwi wehope,
Apa nyama dzinenge dzachizorora zvino,
Mutambarakede chaiwo mumugwagwa,
Makumbo otwasuka sepabonde, rerudyi kumafuta.
Zvisinei, mugwagwa haubvumiri zvawo ngonono.
Nenguva isipi heko kaguju guju, woti kubira zambuko.
Paunoti pepu, wanike motokari yatopoya
Vane hana ndivo vanoidzosa zvine mwero,
Iwe nebapu rako ndipo pakaperera sarungano.
Hadzina mugoni hope pamugwagwa.
Ini chiremba ndati mushonga kuzorora wozosimudzira
Ukati usesekedze usvike, hongu unosvika;
Kwekusvikira ndiko kunozongosiyana chete, vasesekedzwa.