‘Chikomba chedu tose tiri 2’

25 Feb, 2024 - 15:02 0 Views
‘Chikomba chedu tose tiri 2’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ari kushaiswa mufaro neshamwarikadzi yechikomba chake iyo iri kumutadzisa kusasana nemudiwa wake.

Fortune Nyahukwe akazvuzvurudzira Grace Chidembo kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Tinodanana nemurume mumwe saka ane tsika yekuchaya nhare kana tichinge tarara husiku nemudiwa wangu uye anochaya nhare zvekare kuseni tisati tamuka kuri kuzama kukanganisa kusasana kwedu,” anodaro Nyahukwe.

“Izvi anozviita akangoziva kuti ndaenda kunorara kumba kwemudiwa wangu. Mumwe musi akandipotsa nepoto ndashanyira mwana wangu pamba pavanoroja vese akazobatwa nemamwe maroja.”

Nyahukwe anoti anoda kuti Chidembo asiyane neshamwarirume yake.

“Mambo wangu, ndaikumbirawo asiyane nechikomba changu nekuti ari kutishungurudza uye pese paanochaya nhare anenge achituka chikomba changu,” anodaro.

Chidembo haana kuuya kudare kuti azopawo divi rake.

Mutongi Johanna Mukwesha vakarasa chikumbiro chaNyahukwe chegwaro rerunyararo vachiti haana kupa umboo hunogutsa hunotaridza kuti ari kushungurudzwa naChidembo.

Vakati kana shamwarirume yake ichida gwaro iri inofanirwa kuuya yoga kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>