Chikoro chekuparadzwa nedutu chavandudzwa

24 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Chikoro chekuparadzwa nedutu chavandudzwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKORO cheMukoma Primary School chiri kuWard 32 kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin – icho chakaparadzwa nemvura yaive nedutu zvikaita kuti vana vasare vasina pekudzidzira – chakavandudzwa kuburikidza nerubatsiro rweHurumende nevamwe vanhu vakazvimirira vemunzvimbo iyi.

Vana vepo vakange vave kudzidzira pasi pemiti zvichitevera kutakurwa kwakaitwa matenga emakirasi nemvura yaive nedutu.

Kanzura Zivai Chari (50) vekuWard 32 vanoti yakava nguva yakaoma kwavari kuona vana vachidzidzira pasi pemiti kusvikira vakazotsvagawo kubatsirwa neHurumende nevamwe vakazvimirira.

“Chikoro chedu cheMukoma Primary chakatorwa nemvura yaiva nedutu muZhizha regore rakapera, vana vaipindira mumabhuroko maviri akatorwa nemvura ndokutanga kudzidzira pasi pemiti. Ndakazotanga kufamba mumahofisi eHurumende ndikawana mari kubva kuhomwe yeDevolution Fund ndokugadzirisa matenga aya,” vanodaro Kanzura Chari.

Vanoti nedzimwe nguva, vana ava vaigumisira vaenda kunodzidzira mudzimba dzevadzidzisi kana kuchinaya idzo dzinovawo shoma.

“Ndinotenda Huru[1]mende kuburikidza nehomwe yeDevolution Fund iyo yakazotibatsira nemari tikavandudza chikoro ichi. Mimwe midhuri yaiva yadhirika nekuda kwedutu iri takaivandudza zvakare, takabatsirwa nezvidhinha nevabereki vane vana vanopinda pachikoro ichi,” vanodaro Kanzura Chari.

Vanotendawo vabereki nekuvaka kwavari kuita zvimbuzi pachikoro apa pamwe chete nepakiriniki yeMukoma Clinic iyo inobatsira nekurapa vadzidzi, varairidzi nevamwe vemunzvimbo yavo.

“Vana ve ch i koro nevadzidzisi vanoda kugara vachirapwa kuitira utano hwavo zvikaita kuti panzvimbo iyi pavakwe kiriniki padyo nekudaro vabereki vari kuvaka zvimbuzi pachikoro pamwe chete nepakiriniki. Izvozvi kuchikoro vari kuvaka zvimbuzi zvina, kukiriniki vachivakawo zvina zvakare.

“Vana ava kare vaiti vakarwara vaifamba chinhambwe chemakiromita 12 kunosvika kukiriniki iri padyo,” vanodaro Kanzura Chari.

Mamwe mabasa ekusimudzira zvikoro ari kuitwa paMukoma ECD, Mukoma Secondary neKagora ECD apo pakavakwa zvimbuzi zvitsva zvinokwana zvina.

Vanoti kune dzimwe nzvimbo vadzidzi vachiri kufamba nzendo refu kuenda kuzvikoro nekudaro panoda kuti pavakwe zvimwe zvinenge zviri pedyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>