Chikwama chamuparira

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mathew Masinge
MUMWE mutyairi akachema-chema mudare achida kuti rimudzikinure kubva munyatwa yemurume waakakwidza mumotokari yake umo maanoti akasiya chikwama chaiva ne$210 asi iye haana kuona mari iyi kunze kwechikwama chete.

Admire Mukwasi akaendesa Peter Chiwandamiri kuHarare Civil Court achiti ari kumupumha humbavha hwekumubira mari yake yaakasiya muchikwama chakasara mumota yake.

“Changamire, ini ndakangotakura varume ava vari vatatu, mumwe akadzikira munzira ndikasvika muHarare navo. Akazondifonera achiti akarasa chikwama chake icho chandakawana chiri mumotokari yangu zvedi,” akadaro Mukwasi.

“Pakumupa chikwama akazonditi maiva ne$210 iyo yandakaona isimo. Kubva musi uyu murume uyu ava kundishungurudza nekuuya kubasa kwangu achindinyadzisa pamberi pevakuru vangu.

‘‘Ndakaguma ndamupa $100 mushure mekunge ndaona kuti aizondidzingisa basa.”

Chiwandamiri akapokana nezvaitaurwa naMukwasi achiti vakanyorerana pasi vakawirirana kuti achapihwa mari yake yakakwana mushure mekunge ada kuenda kuvakuru vebasa vaMukwasi.

“Ini handimurevere nhema nekuti tine gwaro ratakanyorerana pasi pamberi pevana nemudzimai wangu iye achiti achabhadhara imwe mari yasara mushure mekundipa $100.

‘‘Kana dziri nhema zvino sei akabvuma kundipa mari yaakambondipa shoma yacho?” akabvunza Chiwandamiri.

Mutongi Barbra Mateko akati nyaya iyi yaizopinda mudare zvakare apo Chiwandamiri anenge auya neumboo hunoratidza kuti muchikwama chake makange muine mari yaari kutaura nekuti dare harishande nefungidziro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>