Chikwata cheMbira dzeNharira chakaburazve

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Chikwata cheMbira  dzeNharira chakaburazve Tendayi Gahamadze

Kwayedza

Tendayi Gahamadze

Tendayi Gahamadze

CHIKWATA cheMbira dzeNharira icho chinoridza chiri mumusha weNorton chakabura dambarefu idzva rinonzi Bvungurungwi Kwawaze (Road Block) iro rine nziyo nonwe.

Mutungamiriri wechikwata ichi, Tendayi “Samaita” Gahamadze (59), anoti dambarefu iri rinova rechigumi nerimwe rine mutakunanzva hwemhando dzembira dzose dzinosanganisira dongonda, karimba, nhovapasi, nheketo pamwe nehosho.

Dambarefu iri – iro rakatsikiswa nekambani yeDigital Zone – rine nziyo dzinoti Karomo, Bhurugwa rembwa, Zamu raMbuya, Ndimi Makabara, Kambiri, Mavirima naRudo.

Gahamadze anoti kambo kanonzi Karomo kari pamusoro pevanhu vanonyepa, Zamu raMbuya kachirumbidza rudo rwevanhukadzi kozoti muna Ndimi Makabara anenge achichema kune midzimu yenyika kuti irwire pamatambudziko anosanganikwa muhupenyu.

Kambiri anoti kambo kenhorowondo yekwakabva vanhu kuGuruuswa uye Mavirima akakaimba nechinangwa chekutsiura kutsaudzirwa kuri kuitwa chivanhu nevamwe vanhu.

“SeMbira DzeNharira, hatisi kudzokera kumashure ticharamba tichipakura mutakunanzva wenziyo dzembira. Ndinoda kuzivisa vanofarira musambo wedu wedeze kuti misi yeChishanu yoga-yoga tinenge tichiridza pabhawa reGijima (muguta reHarare) kubva manheru na8 kusvika zvanaka,” anodaro Gahamadze.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>