Chirwere chemahwanda chorwiswa

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chirwere chemahwanda chorwiswa

Kwayedza

HURUMENDE yakabatana nesangano reFood and Agriculture Organisation nevamwe vatsigiri muchirongwa chekudzivirira chirwere chezvipfuyo chemahwanda nedonzvo rekusimbaradza danga renyika.

Izvi zvinotevera kurasikirwa kuri kuitwa nyika ino nemisika yekunze yenyama yemombe nekuda kwechirwere ichi.

Mombe dzinodarika 19 000 dzakafa munyika yose nguva pfupi yadarika nekuda kwezvirwere zvakasiyana.

Vachitaura pamusangano wakaitwa muHarare nguva yadarika, munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vanoti chirwere chemahwanda chiri kukanganisa budiriro munyaya dzekupfuyiwa kwemombe. “Chirwere ichi chiri kuderedza upfumi kubvira kuminda nenyika yese. Ndiko kusaka tiri kuita misangano yekuti chinge chichirwiswa kuburikidza nekuunganidza mari yekutsigira zvirongwa izvi,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chichabatsira kuti vashandi vanoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo veDepartment of Veterinary Services vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Bazi ravo, vanodaro VaChitsiko, rakaona zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura vakamirira sangano reFAO, VaDavid Mfote, vanoti donzvo ravo nderekubatsira Zimbabwe kurwisa chirwere chemahwanda.

“Chikamu cheDepartment of Veterinary Services chakakwanisa kuderedza kupararira kwechirwere ichi kunyangwe zvazvo paine kushomeka kwezvekushandisa mubasa iri,” vanodaro.

Vanoti FAO yakazvipira kuti inge ichibatsira mukurwisa chirwere ichi kubva mugore ra2006 kusvika parizvino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>