CHISHONA CHAKANAKA

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mombe imwe yezvipfuyo zvinowanikwa pamusha. Mombe inoita mabasa akawanda. Inoshandiswa sepfuma pakuroora, inorimiswa mumunda uye inokamwa mukaka. Asi mombe ine zvimwe zvainoshandiswa. Tiudzewo zvinhu izvozvo uchizadzisa zvakasara mumitsara iyi.

1. Muswe wemombe unogona kushandiswa nen’anga ku. . . (mwaya mushonga).

2. Nyanga yemombe inogona kuiswa mafuta se. . . (gonamombe)

3. Nyanga yemombe inogona kuiswa fodya yemumhuno yoshanda se. . . (nhekwe) 4. Dehwe remombe rinogona kusukutwa rosara rapfava zvekugadzira . . . (mbatya/zvipfeko)

5. Mombe inogona kubviswa pakuroora kana panenge paparwa . . . semuripo. (mhosva)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

1. Kumomoterwa kuunganirwa nezvinhu zvakaita senhunzi, nyuchi kana nhamo.

Nhamo dzakange dzakamumomotera.

2. Kucherechedza (kutarisa).

Akacherechedza akaona vari ambuya vake. 3. Kukokorodza (kuunganidza). Takakokorodzwa vana vechikoro tose.

4. Kusurudza (kuchema).

Akasurudza misodzi zvakapisa tsitsi.

5. Mamhororodzi (itsvina inokonzerwa nekudirwa kwemvura pachinhu).

Akasiya ndiro dzine mamhororodzi. Ndinonzi Succeed Sonhera, Nyamakuya School, kuMudzi. Tiri mapatya naSuccess.

* * *

Cecilia Chikore, Turf Primary School, Mhondoro-Ngezi.

1. Kumomoterwa (kuunganirwa zvakanyanya).

Ndakawana munin’ina wangu akamomoterwa nenyuchi.

2. Kucherechedza (kutarisisa)

Ndakaramba ndakacherechedza murume aiuya pamba pedu sezvo ndaisamuziva.

3. Kukokorodza (kuunganidza).

Ndakakokorodza zvipfuyo zvedu sezvo kwaiva kwoda kunaya.

4. Kusurudza (kumimina).

Amai vakanditi dzisurudze hundi yederere rataida kuzodyisa manheru.

5. Mamhororodzi (itsvina nemvura zvinenge zvasangana zvozooma)

Chipo akamuka aine mamhororodzi ndikabva ndangoziva kuti akanga arara asina kugeza. – 0773 470 004.

* * *

Eliah Manyange ari muGrade 7 paMuparutsa Primary School ndokubvunza kuti: Kona reimba muchiRungu rinonzi chii?

* * *

Yolanda Mutendi ari muForm 3 paChikore High School anobvunza kuti:

Ndezvipi zvinhu zvinorwadza kana kushungurudza zvinobva mubhuku raPfumo Ndeyamaoko?

* * *

Gabriel Matongo anodzidza paChitaka High, kwaZvimba ndokuti:

1. Ko mhuka yakaremara inonzi chii?

2. Mwana akaberekwa nguva yake yadarikidza nemwedzi 10 kana 15 anonzi chii? – 0785 296 077.

* * *

VAKAHWINHA MABHUKU:

Sekuvimbisa kwatakaita svaondo rapera pashure kuti vashanu vekutanga vachapindura mibvunzo nemazvo tichavapa mabhuku, Succeed Sonhera naCecilia Chikore ndivo vakanyatsobaya dede nomukanwa. Mabhuku avo akavamirira kumahofisi eKwayedza paHerald House, muHarare. Eliah Manyange, Yolanda Mutendi naGabriel Matongo tichavapawo mabhuku nekuti vana vanofarira chikoro zvakanyanya. Huyai mutore.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazwi anoreva zvakafanana neari pazasi.

1. Derere 2. Mbambaira 3. Magwere

4. Hwahwa 5. Gasho 6. Guva 7. Ibwe

8. Rupasa 9. Bhutsu 10. Huswa

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>