Chishona chakanaka

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: `[email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Munhu ane zita iri munhu akaita sei?

1. Zai regondo (mwana akazvarwa angori oga mumba)

2. Gotwe (mwana wekupedzisira pakuzvarwa)

3. Hari yofanzirofa (munhu achembera zvikuru ave pedyo nekuzofa)

4. Shirikadzi (mukadzi akafirwa nemurume)

5. Nherera (mwana akafirwa nevabereki)

6. Nevanji (mwana mukomana wekutanga kuberekwa mumhuri)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Tana Emmanuel Pembere wekuBeitbridge anoti: Ndohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo; wafa; masimba mashoma; makwati; chinozvinzwira

* * *

0715 115 210 – Gotwe mwana wekupedzisira; hariyefanzirofa munhu akwegura oda kufa; shirikadzi mukadzi akafirwa nemurume.

* * *

0778 187 463 – Sekaurema wafa.

* * *

0715 115 210 – Zai regondo munhu anozvarwa ari umwe chete mumhuri.

* * *

Lynnette Chabvonga, Grade 4A paMasiyarwa Primary School, Murombedzi, Zvimba anoti: mwana akazvarwa ari mumwe chete; mwana wekugumisira; munhu achemberesa; mukadzi akafirwa nemurume; mwana akafirwa nevabereki; mwana wedangwe; mwana wekutanga.

* * *

0716 460 4041 – Ndehuri pamuromo huri mudumbu inofa nahwo; wafa; masimba mashoma; makwati; chinozvinzwira.

* * *

0714 112 193 – Zai regondo – mwana mumwe chete mumhuri; Gotwe – mwana wekupedzisira mumhuri; Hari yefanzirofa – munhu achembera; Shirikadzi – munhu akafirwa nomurume; Nherera – munhu akafirwa nevabereki; Nevanji – mwana wekutanga wamambo anozogara nhaka yababa vake.

* * *

Golden Nyakabau wekuKuwadzana Extension, muHarare anoti: Huswa hwenyati huri pamuromo inofa nawo; Seka urema wafa; Chisi chako masimba mashoma; Chidamoyo hamba yakada makwati; Chiri mumusaka-saka chinozvinzwira.

* * *

Faith Makoni ari kuMarondera anoti: Seka urema wafa; Huswa hwenyati inofa nahwo; Chisi chako masimba mashoma; Chidamwoyo hamba yakada makwati; Chinozvinzwira.

* * *

Ruvimbo Mayimba, Grade 4, Morgnester CPS, Masvingo ndokuti: Mwana anozvarwa ari oga; Mwana wekupedzisira; Munhu akura asina zvaachaita achembera; Munhu akashaikirwa nemurume; Mwana akashaikirwa nevabereki vese; Mwana wekutanga mumhuri.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

1. Mhepo inofamba ichitenderera ichisimudza mavhu nemarara inonzi chii?

2. Kana munhu ukatsvaira chivanze, ivhu rinosimuka richienda mudenga sehutsi rinozni chii?

3. Kana mvura yemutsime kana murwizi yanga yakachena, ikasvibiswa zvekuti inosara yave nemadhaka nemarara kunonzi kuita sei?

4. Mbeva, nhuta kana tumwe tupuka twukaunganidza ivhu richiita zvitutu pamusoro pevhu kunonzi kuita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

 

 

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>